|
| 1 |
|
| “Nditeererei, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa. |
|
| 2 |
|
| Cherechedzai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji. |
|
| 3 |
|
| “Nokuti Jehovha akanyaradza Zioni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nezwi rokuimba. |
|
| 4 |
|
| “Ndinzwei, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu. |
|
| 5 |
|
| Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu. |
|
| 6 |
|
| Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi. |
|
| 7 |
|
| “Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurayiro wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo. |
|
| 8 |
|
| Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguo, zviundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.” |
|
| 9 |
|
| Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura-gura Rahabhi, mukabaya chikara here? |
|
| 10 |
|
| Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, akashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vakadzikinurwa here? |
|
| 11 |
|
| Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchapera. |
|
| 12 |
|
| “Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa; |
|
| 13 |
|
| wakakanganwa Jehovha Muiti wako, akatatamura denga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uchingotya zuva rose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, kana achizvigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi? |
|
| 14 |
|
| Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa, haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi. |
|
| 15 |
|
| “Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake. |
|
| 16 |
|
| Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ” |
|
| 17 |
|
| Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu, wakanwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha paruoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwazvo. |
|
| 18 |
|
| Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera. |
|
| 19 |
|
| Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei? |
|
| 20 |
|
| Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako. |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi usina kubatwa newaini. |
|
| 22 |
|
| Zvanzi naShe wako Jehovha, naMwari wako, unoreverera vanhu vake, “Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwizve. |
|
| 23 |
|
| “Ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kwauri, ‘Kotama, tifambe napamusoro pako;’ iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha inofambwa navanhu.” |
|
|
|
|