×

Shona SUB Bible 2002

Isaya 52

1
Muka, muka, iwe Zioni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna asina kudzingiswa noasakanaka angapinda mukati mako.
2
Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; sunungura zvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda weZioni wakatapwa.
3
Nokuti zvanzi naJehovha, “Makatengeswa kusina mutengo; muchadzikinurwa kusina mari.”
4
Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Vanhu vangu vakaburukira Ijipiti kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva.
5
Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6
Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.”
7
Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZioni, “Mwari wako anobata ushe!”
8
Chinzwa izwi renharirire dzako! Dzinodana namazwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Zioni.
9
Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu; nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusaremu.
10
Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
11
Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.
12
Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
13
Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo.
14
Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako, (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu),
15
saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa