|
| 1 |
|
| Ndianiko akatenda zvatakaparidzirwa? Ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna ani? |
|
| 2 |
|
| Nokuti akamera pamberi pake sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude. |
|
| 3 |
|
| Akazvidzwa, nokuraswa navanhu, munhu wokurwadziwa, akaziva urwere, somunhu anovanzirwa navanhu zviso zvavo; akazvidzwa nesu hatina kumukudza. |
|
| 4 |
|
| Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa. |
|
| 5 |
|
| Asi akakuvadzwa nokuda kwokudarika kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake. |
|
| 6 |
|
| Isu tose takanga takarasika samakwai, takatsauka mumwe nomumwe nenzira yake; asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose. |
|
| 7 |
|
| Akamanikidzwa, kunyangwe zvakadaro akazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake. |
|
| 8 |
|
| Akabviswa pakumanikidzwa nokutongwa; kana vari vezero rake, ndianiko pakati pavo akarangarira kuti akagurwa akabviswa panyika yavapenyu? Akarohwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu. |
|
| 9 |
|
| Vakamupa hwiro hwake pamwechete navakaipa, akava nomupfumi pakufa kwake, kunyangwe asina kuita chisakarurama, kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make. |
|
| 10 |
|
| Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake. |
|
| 11 |
|
| Achaona zvaakatamburira nomweya wake, akagutiswa; nokuziva kwake muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji; achatakura zvakaipa zvavo. |
|
| 12 |
|
| Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwechete navadariki; kunyangwe zvakadaro akatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki. |
|
|
|
|