|
| 1 |
|
| “Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo. |
|
| 2 |
|
| Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeerei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka. |
|
| 3 |
|
| Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri; ndinzwei kuti mweya yenyu irarame. Ndichaita sungano isingaperi nemi, iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi. |
|
| 4 |
|
| Tarirai, ndakamuita chapupu kumarudzi, mutungamiri nomukuru wamarudzi. |
|
| 5 |
|
| Zvirokwazvo uchakoka ndudzi dzausina kumboziva, uye ndudzi dzisingakuzivi dzichamhanyira kwauri, nokuda kwaJehovha Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, nokuti iye akakufukidza nokubwinya.” |
|
| 6 |
|
| Tsvakai Jehovha achawanikwa: danai kwaari achiri pedyo. |
|
| 7 |
|
| Akashata ngaasiye nzira yake, nomunhu akaipa mirangariro yake. Ngaadzokere kuna Jehovha, uye iye achamunzwira ngoni, nokuna Mwari wedu, nokuti achakanganwirwa zvikuru. |
|
| 8 |
|
| “Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 9 |
|
| “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu. |
|
| 10 |
|
| Semvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire nokubereka zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya, |
|
| 11 |
|
| saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma. |
|
| 12 |
|
| Muchabuda nomufaro, uye muchafambiswa murugare; makomo nezvikomo zvichapururudza uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, uye miti yose yeminda ichauchira maoko ayo. |
|
| 13 |
|
| Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, nechiratidzo chokusingaperi, chisingazoparadzwi.” |
|
|
|
|