|
| 1 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa. |
|
| 2 |
|
| Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.” |
|
| 3 |
|
| Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugunun'una achiti, “Ndinongova zvangu muti wakaoma.” |
|
| 4 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, “Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu, vanosarudza zvinondifadza, uye vanobatirira pasungano yangu, |
|
| 5 |
|
| kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi. |
|
| 6 |
|
| Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu, |
|
| 7 |
|
| ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.” |
|
| 8 |
|
| Ishe Jehovha anoti, iye anounganidza vakadzingwa vaIsraeri, “Ndichaunganidzazve vamwe kwavari, pamwe chete neavo vakatounganidzwa kare.” |
|
| 9 |
|
| Uyai, imi mose zvikara zvesango, uyai mudye, imi mose zvikara zvesango! |
|
| 10 |
|
| Nharirire dzeIsraeri mapofu, vose vanoshayiwa zivo; vose imbwa dzisingahukuri, hadzigoni kuhukura; dzinovata pose pose dzichingorota, dzinofarira kuvata. |
|
| 11 |
|
| Imbwa dzinokara zvikuru; dzisingamboguti. Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa: vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo, mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa. |
|
| 12 |
|
| Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini! Regai tinwe tigute nedoro! Uye mangwana achafanana nanhasi, kana kutopfuura.” |
|
|
|
|