|
| 1 |
|
| Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa. |
|
| 2 |
|
| Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara. |
|
| 3 |
|
| Asi swederai pano, imwi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechifeve. |
|
| 4 |
|
| Munofara pamusoro paani? Munoshamisira ani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema, |
|
| 5 |
|
| iyemi, munozvimutsa pakati pemiouki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imwi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo? |
|
| 6 |
|
| Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo panomugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here? |
|
| 7 |
|
| Wakawadza nhovo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibayiro. |
|
| 8 |
|
| Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivivo, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhovo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhovo dzavo kwawakadziwana. |
|
| 9 |
|
| Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuhwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori. |
|
| 10 |
|
| Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyange zvakadaro hauna kuti, "Hazvina maturo;" wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba. |
|
| 11 |
|
| Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here? |
|
| 12 |
|
| Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri. |
|
| 13 |
|
| Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene. |
|
| 14 |
|
| Zvichanzi, "Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu." |
|
| 15 |
|
| Nokuti zvanzi nowakakwirira Arikumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, "Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye nowane mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve moyo wowakapwanyika. |
|
| 16 |
|
| Nokuti handingarwisi nokusingaperi, uye handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya unofanira kupera simba pamberi pangu, nemweya yandakaita. |
|
| 17 |
|
| Nokuda kokuipa kokunyengera kwake, ndakatsamwisisa ndikamurova; ndakazvivanza, ndikatsamwisisa; akaenderera mberi nenzira yemoyo wake. |
|
| 18 |
|
| "Ndaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamutungamirirawo, nokudzosa nyaradzo kwaari navanomuchema. |
|
| 19 |
|
| Ndinosika zvibereko zvemiromo; `Rugare, rugare kunowari kure nokunowari pedo, ndizvo zvinotaura Jehovha, uye ndichamuporesa.' |
|
| 20 |
|
| Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara. |
|
| 21 |
|
| Zvanzi naMwari wangu, `Vakaipa havana rugare.' " |
|
|
|
|