|
| 1 |
|
| Mururami anoparara zvake pasina anombozviitirawo hanya, vanamati chaivo vachitorwa pasina anozvinzwisisa, nokuti vakarurama anobviswa munhamo, |
|
| 2 |
|
| opinda murugare, vazorora zvavo pamibhedha yavo, ivo vanofamba muururami. |
|
| 3 |
|
| Asi imi swederai kuno vana vana amai varoyi, vana vemhombwe nepfambi. |
|
| 4 |
|
| Ndiani wamuri kuita zvokutamba naye kudai? Muri kugarira kutaura nani, muchitoraputsa rurimi kudaro, Hamusi vana vomusango here? Imi vana vounyengedzi, |
|
| 5 |
|
| iyemi munobayiwa noruchiva muri mukati memioku pasi pemiti yose yakasvibira, imi munoita vana venyu zvibayiro mumapani mumikaha yamatombo? |
|
| 6 |
|
| Chenyu imimi ihurungudo dzomubani. Ndidzo dzamunonamata. Kwandiri idzodzo ndidzo dzamunopira mupiro wokuteura muchiunzako mupiro wembesanwa. Ndozvingandinyevenutse mwoyo here izvozvo? |
|
| 7 |
|
| Pagomo refu, panhungamakore yegomo, ndipo pamava kuita sapauriri hwenyu hwoupombwe. Ipapo ndopamunokwira kundopira zvibayiro. |
|
| 8 |
|
| Kuseri kwegonhi napagwatidziro wakazviisira chokuratidza nacho kuti undifuratire. Wakafugura uriri hwako ukakwira pahuri ukahukudza-kudza ukatozvitengesa zvako kwazviri ukatorwa mwoyo nouriri hwavo, ukatozviyeva zvako zviri mutwi kudaro. |
|
| 9 |
|
| Munoenda imi kundonamata Moreki muina mafuta, muchivirikidza kuzora mafuta anonhuwirira; munotuma nhume dzenyu kure zvokuti vanotodzika kwazvo kunyange nokuNzvimbo yeVachakabvu. |
|
| 10 |
|
| Wakareberwa nenzira iwe zvikakunetesa asi hauna kumbozviti, “Hazvina maturo.” Wakatozvigwinyisa nokudaro hauna kufizuka. |
|
| 11 |
|
| “Kunyeba kwawakaita wawaitya ipapa ndiani uchitadza kundiyeuka kana kutombondifunga zvako? Handina kunyarara zvangu here kwenguva ndefu chaiyo, ndokusaka usisandityi nhai? |
|
| 12 |
|
| Ndichafumura ururami hwako ihwohwo nezvaunoita iwe asi hazvina zvazvichakuyamura. |
|
| 13 |
|
| Kana woridza mhere iro zanzwe rako rezvifananidzo zvokunamata ngarikununure. Zvichatututswa nemhepo, zvichapupurutswa nemwando. Asi anopotera kwandiri ndiye achava muridzi wenyika, gomo rangu rinoera iri achiriita nhaka yake.” |
|
| 14 |
|
| Zvichazonzi, “Pangurai pangurai, mugadzire nzira mubvise zvose zvingapingaidze vanhu vangu munzira,” |
|
| 15 |
|
| nokuti zvanzi naNyadenga iye Wokumusorosoro iye Chidzachepo ane zita rokuti Anoera, “Ndinogara kumusoro munzvimbo inoera, uye ndinogarawo navane mwoyo wakapinduka vano mwoyo wokuzvirereka kutimutsurudza mwoyo wavanozvidukupisa nokumutsurudza mwoyo yavanhu vanenge vatendeuka. |
|
| 16 |
|
| Ndinodaro nokuti handicharamba ndichingovapa mhosva kana kuramba ndakangovashatirirwa, nokuti kwandiri ini ndokunobva mweya, ndini ndakasika mweya wacho unofema. |
|
| 17 |
|
| Pamusana pemhosva yoruchiva rwake uyu ndakashatirwa, ndikamurova ndikafuratira ndakashatirwa. Asi iye ndopaakatoomesa gotsi achiita zvake zvomusoro wake. |
|
| 18 |
|
| Ndakaona hangu kuita kwake asi ndichamuporesa ndichamutungamirira ndigomupa mubayiro wokugarika ndichiita kuti pamiromo yavanoungudza pabude mipururu yokurumbidza |
|
| 19 |
|
| Zvanzi naTenzi, ‘Imi vokure nemi vapadyo, ndinokupai rugare, rugare chairwo, ndichakuporesai.’ |
|
| 20 |
|
| Asi vakaipa vakaita samasaisai egungwa asingagarikike pasi; mvura yaro haigadzikani inobvundura nhope netsvina, |
|
| 21 |
|
| vakaipa havana rugare,” ndizvo zviri kutaurwa naMwari wangu. |
|
|
|
|