×

Shona SUB Bible 2002

Isaya 57

1
Akarurama anoparara, asi hakuna munhu ane hanya nazvo; navanoda Mwari vanobviswa, kusina munhu anorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa.
2
Anopinda parugare; vanozorora panhoo dzavo, iye mumwe nomumwe, anofamba pakururama kwake.
3
Asi swederai pano, imi vanakomana vomuroyi, zvibereko zvemhombwe nechipfeve.
4
Munofara pamusoro pani? Munoshamisirani muromo wenyu, nokubudisa rurimi rwenyu? Ko hamuzi vana vokudarika, zvibereko zvenhema,
5
iyemi, munozvimutsa pakati pemioki, napasi pomuti mumwe nomumwe mutema, imi munobaya vana mumipata, pasi pemikaha yamatombo?
6
Pakati pamabwe anotedza omupata ndipo pano mugove wako; iwo, iwo ndizvo zvawakagoverwa; ndizvo zvawakadururira chipiriso chinodururwa, zvawakavigira chipo. Ko ini ndichayananiswa naizvozvo here?
7
Wakawadza nhoo dzako pamusoro pegomo rakareba rakakwirira; ndiko kwawakakwira kundobayira zvibairo.
8
Wakaisa chirangaridzo chako shure kwemikova nezvivhivho, nokuti wakazvifukurira mumwe, asati ari ini, ukakwira; wakakurisa nhoo dzako, ukaita sungano navo; wakada nhoo dzavo kwawakadziwana.
9
Ukaenda kuna mambo namafuta, ukawedzera zvinonhuwira zvako, ukatuma nhume dzako kure, ukazvininipisa kusvikira paSheori.
10
Wakaneta norwendo rwako rukuru; kunyangwe zvakadaro hauna kuti, “Hazvina maturo;” wakawana simba rako richivandudzwa, naizvozvo hauna kupera simba.
11
Wakatya nokuvhunduka aniko, zvawareva nhema, ukasandirangarira, nokuva nehanya? Ko ini handina kuramba ndinyerere nguva refu, ukasanditya here?
12
Ndichaparidza kururama kwako; kana ari mabasa ako, haangakubatsiri.
13
Kana uchidanidzira, avo vawakaunganidza, ngavakurwire; asi mhepo ichavatora, mweya uchavabvisa vose; asi anovimba neni, nyika ichava yake, achagara nhaka yegomo rangu dzvene.
14
Zvichanzi, “Tutirai, tutirai, gadzirai nzira, bvisa chigumbuso panzira yavanhu vangu.”
15
Nokuti zvanzi noAkakwirira Ari kumusoro, anogara mukusingaperi, ane zita rinonzi Dzvene, “Ndinogara pakakwirira napanzvimbo tsvene, uye noano mweya wakapwanyika anozvininipisa, kuti ndiponesezve mweya woanozvininipisa, ndiponesezve mwoyo wowakapwanyika.
16
Nokuti handingarwi nokusingaperi, handingatsamwi nguva dzose; nokuti mweya ungapera simba pamberi pangu, nemweya yandakasika.
17
“Nokuti ndakanga ndakatsamwa nokuda kwokuipa kwokuchiva kwake, ndikamurova; ndakavanza chiso changu, ndikatsamwa; akaramba achingotsauka nenzira yakada mwoyo wake.
18
“Ndakaona nzira dzake, asi ndichamuporesa, ndichamufambisawo, nokumunyaradzazve iye navanomuchema.
19
Ndini ndinosika zvibereko zvemiromo; zvanzi naJehovha, ‘Rugare, rugare kuno ari kure nokuno ari pedyo, ndichamuporesa.’
20
Asi vakaipa vakafanana negungwa rakabvongodzwa; nokuti harigoni kuzorora, asi mvura yaro inobudisa matope namarara.
21
Zvanzi naMwari wangu, ‘Vakaipa havana rugare.’ ”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa