Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi. |
| 2 |
| Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. |
| 3 |
| Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.” |
| 4 |
| Nomutinhiro wamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo zvakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi. |
| 5 |
| Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.” |
| 6 |
| Ipapo imwe yesarafimi yakabhururukira kwandiri ine zimbe romoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato kubva paaritari. |
| 7 |
| Yakagunzva muromo wangu nawo ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.” |
| 8 |
| Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?” Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!” |
| 9 |
| Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti, “ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi; munogara muchiona, asi hamuonesesi.’ |
| 10 |
| Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.” |
| 11 |
| Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?” iye akapindura achiti, “Kusvikira maguta ava matongo uye pasisina anogaramo, kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu, neminda yaparadzwa zvachose, |
| 12 |
| kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure, uye nyika yasiyiwa zvachose. |
| 13 |
| Uye kunyange kukasara chegumi munyika, naichowo chichaparadzwa. Asi somuterabhiniti nomuouki zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/isaiah/006.mp3
66
6