|
| 1 |
|
| Mugore rakafa mambo Uziya, ndakaona Tenzi vakagara pachigaro choumambo, chiri pamusoro chakakwirira. Jira regemenzi rake raizvezvera pasi raizadza Temberi. |
|
| 2 |
|
| Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri. |
|
| 3 |
|
| Aidaidzirana achiti: “Munoera, Munoera, Munoera! Imi Tenzi wehondo nehondo pasi pose pazere nembiri yenyu.” |
|
| 4 |
|
| Ugaro hwemba iyi hwokumusuo hwakandengendeka pamusana pezwi rewainge adaidza. Imba iyoi yakazara noutsi. |
|
| 5 |
|
| Ndakati, “Maiwe-e, maiwe-e zvangu inga ndaparara nokuti ndiri munhu ane miromo yakan'ora uye ndigere pakati pavanhu vane miromo yakan'ora nokuti ini nameso angu ndaona Mambo, Tenzi wehondo nehondo!” |
|
| 6 |
|
| Rimwe serafi rakabhururukira kwandiri rakabata mumaoko nembato vhunze romoto rarakatora paatari. |
|
| 7 |
|
| Rakasvikondigunzva muromo naro rikati, “Tarisa uone wagunzwa muromo nevhunze iri hauchisina mhosva, chitadzo chako charegererwa.” |
|
| 8 |
|
| “Ndakanzwa izwi raTenzi richiti, ‘Ndiani wandingatume, ndiani angatiendere?’ Ini ndakati, ‘Ndiri pano. Nditumei ini.’ ” |
|
| 9 |
|
| Ivo ndokuti, “Enda utaurire vanhu ava kuti, ‘Zvokuteereresa, regaika zvenyu kuteerera, handiti mungadaro mukazonzwisisa; kana zvokunyatsotarisisa, regaika zvenyu kutarisa handiti mungadaro mukazoona here.’ |
|
| 10 |
|
| “Zvino iwe chitosindimadza zvako vanhu ivava mwoyo utyorere zvimiti munzeve dzavo uvapfige maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa. |
|
| 11 |
|
| “Ini ndikati, ‘Kusvikira riniko nhai Tenzi?’ Ivo vakati, ‘Kusvikira maguta aparara musisina anogaramo, dzimba dzisisina vanhu, nyikawo yanyatsoparara, |
|
| 12 |
|
| Tenzi abvisa vanhu avaendesa kurekure, munyika mave namatunhu mazhinji asina vanhu. |
|
| 13 |
|
| Kunyange zvako kukasara gumi pazana naivo vacharoromeswa somuti womuterebhini kana kuti muoku une chigutsa chinosara chimire kana warigwa.’ ” Chigutsa ichocho ndiyo mbeu inoera. |
|
|
|
|