Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Simuka, uvheneke, nokuti chiedza chako chasvika, kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. |
| 2 |
| Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha achabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaonekwa pamusoro pako. |
| 3 |
| Marudzi achauya kuchiedza chako, namadzimambo kukubwinya kwakakubudira. |
| 4 |
| Ringira kwose–kwose nameso ako, uone, vose vanoungana pamwechete, vachiuya kwauri; vanakomana vako vachauya vachibva kure, vakunda vako vachaberekwa pahudyu. |
| 5 |
| Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, mwoyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, pfuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri. |
| 6 |
| Ngamera zhinji zhinji dzichakufukidza, nemhuru dzengamera eMidhiani neEfa; vose veShebha vachauya, vachauya nendarama nezvinonhuwira, vachaparidza kurumbidzwa kwaJehovha. |
| 7 |
| Mapoka ose amakwai eKedhari achaunganidzirwa kwauri, makondohwe eNebhayoti achakushumira; zvichaiswa paatari yangu ndichizvifarira, ndichashongedza imba yokukudzwa kwangu. |
| 8 |
| Ndianiko ava vanobhururuka segore, senjiva dzinouya kumahwindo ezvirugu zvadzo? |
| 9 |
| Zvirokwazvo, zvivi zvichandimirira, nezvikepe zveTashishi zvichatungamira zvichiuya navanakomana vako vanobva kure, vachiuya nesirivha yavo nendarama yavo kuzviisa kuzita raJehovha Mwari wako, nokuno Mutsvene waIsiraeri, nokuti ndiye wakakushongedza. |
| 10 |
| Vatorwa vachavaka masvingo ako, madzimambo avo achakushumira; nokuti ndakakurova nokutsamwa kwangu, asi ndakakunzwira nyasha nengoni dzangu. |
| 11 |
| Masuwo ako achagara akazaruka nguva dzose, haangazarirwi masikati nousiku, kuti vauyise kwauri pfuma yamarudzi avanhu namadzimambo avo, akatapwa. |
| 12 |
| Nokuti rudzi noushe, zvinoramba kukushumira, zvichaparara; zvirokwazvo marudzi iwayo achaparadzwa chose. |
| 13 |
| Zvinobwinya zveRebhanoni zvichauya kwauri, misaipuresi, nemipaini nemifiri pamwechete, kuti ndishongedze nzvimbo yeimba yangu tsvene; uye ndichabwinyisa nzvimbo yetsoka dzangu. |
| 14 |
| Vanakomana vavatambudzi vako vachauya kwauri vachikotama; vose vaikuzvidza vachazvikotamisa pasi–pasi petsoka dzako; vachakutumidza zita rokuti, “Guta raJehovha, Zioni roMutsvene waIsiraeri.” |
| 15 |
| Wakanga wakasiyiwa nokuvengwa, kusisina munhu aipfuura nomukati mako, asi zvino ndichakuita chinhu chinorumbidzwa nokusingaperi, chinofarirwa kusvikira kumarudzi mazhinji. |
| 16 |
| Uchamwawo mukaka wamarudzi, uchamwa mazamu amadzimambo; ipapo uchaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, waMasimbaose waJakobho. |
| 17 |
| Panzvimbo yendarira ndichauya nendarama, panzvimbo yedare ndichauya nesirivha, panzvimbo yamatanda safuri, napanzvimbo yamabwe dare. Rugare ndicharugadza ruve madzishe ako, noKururama kuve vabati vako. |
| 18 |
| Zvinoitwa nesimba hazvichazonzwiki panyika pamiganhu yako; asi uchatumidza masvingo ako zita rokuti, “Ruponeso, namasuwo ako Rumbidzo.” |
| 19 |
| Zuva harichazovi chiedza chako masikati, mwedzi haungazokuvhenekeri nokupenya kwawo; asi Jehovha achava kwauri chiedza chisingaperi, naMwari wako kunaka kwako. |
| 20 |
| Zuva rako harichazoviri, mwedzi wako haungatapudziki; nokuti Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, mazuva okuchema kwako achaguma. |
| 21 |
| Vanhu vako vose vachava vakarurama, vachagara nhaka yenyika nokusingaperi, vachava davi randakasima, nebasa ramaoko angu, kuti ndikudzwe. |
| 22 |
| Muduku achava chiuru, akadukupa achava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/isaiah/060.mp3
66
60