|
| 1 |
|
| Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; |
|
| 2 |
|
| kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema; |
|
| 3 |
|
| kuti ndigadzire vanochema paZiyoni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguvo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe. |
|
| 4 |
|
| Ipapo vachavaka matongo akare, vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa dzokutanga, vachagadzira maguta akanga aitwa matongo, nezvose zvakaparadzwa zvamarudzi namarudzi. |
|
| 5 |
|
| Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu. |
|
| 6 |
|
| Asi imwi muchanzi vaprista vaJehovha vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu; muchadya fuma yamarudzi avanhu, muchazvirumbidza nokukudzwa kwawo. |
|
| 7 |
|
| Panzvimbo yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri; panzvimbo yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo vachava nemigove miviri, vachava nomufaro usingaperi. |
|
| 8 |
|
| Nokuti ini Jehovha ndinoda zvakarurama, ndinovenga kupamba pamwechete nezvakaipa; ndichavaripira zvirokwazvo, uye ndichaita sungano isingaperi navo. |
|
| 9 |
|
| Vana vavo vachazikamwa pakati pamarudzi, nezvibereko zvavo pakati pavanhu; vose vanovaona vachavaziva, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehovha. |
|
| 10 |
|
| Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro munaMwari wangu; nokuti akandifukidza nguvo dzoruponeso, akandipfekedza chokufuka chokururama, somuwani anoshonga korona, uye somwenga unozvishongedza noukomba hwake. |
|
| 11 |
|
| Nokuti nyika sezvainobudisa miti yayo, nomunda sezvaunomeresa zvakadzvarwamo, saizvozvo Ishe Jehovha achameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose. |
|
|
|
|