Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Ndianiko uyu anobva Edhomu, anobva Bhozira ane nguo dzakatsvuka kwazvo? Ndiani uyo akafuka zvinobwinya, anofamba noukuru hwesimba rake? “Ndini ndinotaura nokururama, ndine simba rokuponesa.” |
| 2 |
| Ko nguo yenyu yakatsvuka nei? Zvokufuka zvenyu zvakafanana nezvomunhu anotsika muchisviniro chewaini neiko? |
| 3 |
| “Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusina munhu wamarudzi avanhu aiva neni; zvirokwazvo, ndakavatsika pakutsamwa kwangu, ndakavapwanya pahasha dzangu; ropa ravo rikatsatikira panguo dzangu, ndikasvibisa zvokufuka zvangu zvose. |
| 4 |
| Nokuti ndakafunga zuva rokutsiva mumwoyo mangu; gore ravakadzikinurwa vangu rasvika. |
| 5 |
| Ndikatarira, ndikashayiwa anobatsira, ndikashamiswa nokuti kwakanga kusina anotsigira; naizvozvo ruoko rwangu rwakandivigira ruponeso, kutsamwa kwangu ndiko kwakanditsigira. |
| 6 |
| Ndikatsika–tsika marudzi avanhu pakutsamwa kwangu, ndikavapengesa nedoro rokutsamwa kwangu, ndikadurura ropa roupenyu hwavo pasi.” |
| 7 |
| Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake. |
| 8 |
| Nokuti akati, “Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera;” naizvozvo akava Muponesi wavo. |
| 9 |
| Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare. |
| 10 |
| Asi vakamumukira, nokuchemedza Mweya wake mutsvene; naizvozvo akashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene. |
| 11 |
| Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mosesi navanhu vake, vakati, “Aripiko iye akaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo? |
| 12 |
| Aripiko iye akafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMosesi, akaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi? |
| 13 |
| “Aripiko iye akavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa?” |
| 14 |
| Mweya waJehovha akavazorodza, semombe dzinoburukira kumupata; saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti muzviwanire mukurumbira mukuru–kuru. |
| 15 |
| Tarirai pasi muri kudenga, muone muri pahugaro hwenyu hutsvene hunobwinya, kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva kwomwoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri. |
| 16 |
| Nokuti muri baba vedu, kunyangwe Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu; Mudzikinuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu. |
| 17 |
| Haiwa, Jehovha, munotirega neiko tichitsauka panzira dzenyu, nokuomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu. |
| 18 |
| Vanhu venyu vatsvene vakanga vanayo nguva duku hayo; vadzivisi vedu vakatsika pasi imba yenyu tsvene. |
| 19 |
| Isu tafanana navasina kutongobatwa nemi, navasina kutumidzwa nezita renyu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/isaiah/063.mp3
66
63