Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu, |
| 2 |
| sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu! |
| 3 |
| Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu. |
| 4 |
| Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyangwe neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira. |
| 5 |
| Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here? |
| 6 |
| Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo. |
| 7 |
| Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu. |
| 8 |
| Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu. |
| 9 |
| Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu. |
| 10 |
| Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Zioni rashanduka renje, Jerusaremu rava dongo. |
| 11 |
| Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa. |
| 12 |
| Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here? |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/isaiah/064.mp3
66
64