Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino pamazuva aAhazi, mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, Rezini mambo weSiria, naPeka, mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kundorwa neJerusaremu, asi vakakoniwa kurikunda. |
| 2 |
| Zvino vakaudza imba yaDhavhidhi, vachiti, “VaSiria vava pakati pavaEfuremu.” Mwoyo wake nemwoyo yavanhu vake ikazununguswa sokuzununguswa kwemiti mudondo nemhepo. |
| 3 |
| Zvino Jehovha akati kuna Isaya, “Enda zvino undosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi, mwanakomana wako, panoguma rukoronga rwedziva rokumusoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki wenguo; |
| 4 |
| undoti kwaari, ‘Chenjera, unyarare hako; usatya, nomwoyo wako urege kupera nokuda kwamatsiga aya maviri anopfungaira, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaRezini nokwaVaSiria, nokwomwanakomana waRemaria.’ ” |
| 5 |
| Nokuti VaSiria navaEfuremu, nomwanakomanwa waRemaria vakarangana kukuitira zvakaipa, vachiti, |
| 6 |
| “Hendei tindorwa navaJudha, tivatyise, tivakunde, tigadze mambo pakati pavo, iye mwanakomana waTabheeri.” |
| 7 |
| “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Izvozvi hazvingamiri, uye hazvingaitiki. |
| 8 |
| Nokuti musoro weSiria ndiDhamasikosi, nomusoro weDhamasikosi ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, vaEfuremu vachaputswa–putswa, kuti varege kuva rudzi; |
| 9 |
| musoro wavaEfuremu ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimwanakomana waRemaria. Kana musingadi kutenda, zvirokwazvo hamungasimbiswi.’ ” |
| 10 |
| Zvino Jehovha akataurazve naAhazi, achiti, |
| 11 |
| “Kumbira chiratidzo kuna Jehovha Mwari wako; uchikumbire kunyangwe pasi pakadzika, kana kumusoro kwakakwirira.” |
| 12 |
| Asi Ahazi akati, “Handingakumbiri, uye handingaedze Jehovha.” |
| 13 |
| Akati, “Chinzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi, chinhu chiduku kwamuri kuti munetse vanhu zvino modokunetsa Mwari wanguo here? |
| 14 |
| Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri. |
| 15 |
| Achadya ruomba nouchi, panguva yaanoziva kuramba zvakaipa, nokusanangura zvakanaka. |
| 16 |
| Nokuti mwana asati aziva kuramba zvakaipa nokusanangura zvakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maviri, ichashanduka dongo. |
| 17 |
| “Jehovha achauyisa pamusoro pako, napamusoro pavanhu vako, napamusoro peimba yababa vako, mazuva asina kumbovapo, kubvira pazuva rakaparadzana vaEfuremu navaJudha ndiye mambo weAsiria.” |
| 18 |
| Zvino nezuva iro Jehovha acharidzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeIjipiti, nenyuchi dziri panyika yeAsiria. |
| 19 |
| Dzichauya, dzichamhara dzose mumipata ina mawere, nomumikaha yamatombo, napamusoro peminzwa yose, napamusoro pamafuro ose. |
| 20 |
| Nezuva iro Ishe achaveura nechisvo chakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiria, musoro nemvere dzamakumbo; chichabvisawo ndebvu. |
| 21 |
| Zvino nezuva iro munhu achapfuwa mhou imwe duku namakwai maviri; |
| 22 |
| zvino nokuda kwomukaka muzhinji wadzichamupa, achadya ruomba; nokuti mumwe nomumwe akasiyiwa panyika iyo achadya ruomba nouchi. |
| 23 |
| Zvino nezuva iro nzvimbo imwe neimwe paiva nemiti yemizambiringa ine chiuru chimwe, yaitengwa namasirivha ane chiuru chimwe, ichava norukato neminzwa. |
| 24 |
| Vachaendako nemiseve nouta, nokuti nyika yose ichamera rukato neminzwa. |
| 25 |
| Hakuna angasvika pazvikomo zvose zvairimwa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi mombe dzichasundirwako, namakwai achatsikapo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/isaiah/007.mp3
66
7