|
| 1 |
|
| Jehovha akati kwandiri, “Tora hwendefa huru unyore pamusoro payo nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi. |
|
| 2 |
|
| Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.” |
|
| 3 |
|
| Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti MaheriSharari-Hashi-Bhazi; |
|
| 4 |
|
| nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.” |
|
| 5 |
|
| Jehovha akataurazve kwandiri akati, |
|
| 6 |
|
| “Nokuti vanhu ava vakaramba mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa, uye vanofarira Rezini nomwanakomana waRemaria, |
|
| 7 |
|
| naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo mafashamu makuru oRwizi, mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose. Ruchapfachukira hova dzarwo dzose, uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose, |
|
| 8 |
|
| ruchakukura kusvikira kuJudha, ruchipafuma nomukati mayo, rugopfuura nomairi ruchisvika muhuro. Kutandavara kwamapapiro arwo kuchafukidza upamhi hwenyika yako, iwe Imanueri!” |
|
| 9 |
|
| Ridzai mhere yehondo, imi ndudzi, mugoputswaputswa! Teererai, imi nyika dzose dziri kure. Gadzirirai kurwa, mugoputswa-putswa! |
|
| 10 |
|
| Gadzirirai urongwa hwenyu, asi huchakona; Taurai zvourongwa hwenyu, asi hauzomiri, nokuti Mwari anesu. |
|
| 11 |
|
| Jehovha akataura kwandiri ruoko rwake rune simba rwuri pamusoro pangu, achindiyambira kuti ndirege kutevera nzira yavanhu ava, akati, |
|
| 12 |
|
| “Musati irangano zvinhu zvose zvinonzi navanhu ava irangano; musatya zvavanotya, musazvivhunduka. |
|
| 13 |
|
| Jehovha Wamasimba Ose ndiye wamunofanira kuita mutsvene, ndiye wamunofanira kuvhunduka, |
|
| 14 |
|
| ndiye achava nzvimbo tsvene; asi padzimba dzose dzaIsraeri achava dombo rinoita kuti vanhu vagumburwe; nedombo rinoita kuti vapunzike. Uye kuvanhu veJerusarema iye achava musungo norugombe. |
|
| 15 |
|
| Vazhinji vavo vachagumburwa; vachawa vagovhunika, vachateyiwa vagobatwa.” |
|
| 16 |
|
| Sungai chipupuriro mugosimbisa murayiro pakati pavadzidzi vangu. |
|
| 17 |
|
| Ndichamirira Jehovha, iye ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake. Ndichaisa ruvimbo rwangu maari. |
|
| 18 |
|
| Ndiri pano, navana vandakapiwa naJehovha. Tiri zviratidzo nemifananidzo muIsraeri inobva kuna Jehovha Wamasimba Ose paGomo reZioni. |
|
| 19 |
|
| Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu? |
|
| 20 |
|
| Endai kumurayiro nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri maererano neshoko iri havana chiedza chamambakwedza. |
|
| 21 |
|
| Vanotambudzika, navane nzara vachafamba-famba nenyika; pavanotambu-dzika vachava neshungu, uye vachatarira kudenga, vagotuka mambo wavo naMwari wavo. |
|
| 22 |
|
| Ipapo vachatarira pasi vagoona nhamo chete nerima nokusafara kunotyisa, uye vachakandirwa kurima guru. |
|
|
|
|