|
| 1 |
|
| imwi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyange zvakadaro ndinoda kutaurirana nemwi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? |
|
| 2 |
|
| imwi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imwi muri pedo nemiromo yavo, asi muri kure nemoyo yavo. |
|
| 3 |
|
| Asi imwi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza moyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. |
|
| 4 |
|
| Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira rinhiko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, "Haangaoni kuguma kwedu." |
|
| 5 |
|
| "Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvivana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJorodhani? |
|
| 6 |
|
| "Nokuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyange vachitaura mashoko akanaka newe." |
|
| 7 |
|
| "Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikamwa womoyo wangu mumaoko avavengi vake. |
|
| 8 |
|
| Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga |
|
| 9 |
|
| Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rinamavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye. |
|
| 10 |
|
| Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemazambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikamwa rive renje risina chinhu. |
|
| 11 |
|
| Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu une hanya nayo. |
|
| 12 |
|
| Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nokuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare. |
|
| 13 |
|
| Vakakusha zviyo, asi vakacheka mhinzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kokutsamwa kukuru kwaJehovha." |
|
| 14 |
|
| Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu vaIsiraeri, "Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo. |
|
| 15 |
|
| "Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake. |
|
| 16 |
|
| Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, `NaJehovha mupenyu,' sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu. |
|
| 17 |
|
| "Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza" ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
|
|
|