Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Imi Jehovha, makarurama kana ndichikakavara nemi; kunyangwe zvakadaro ndinoda kutaurirana nemi pamusoro pokururamisa kwenyu, nzira yavakaipa inomufaro neiko? Vanoita nokunyengera vanogarireiko vose vane rugare? |
| 2 |
| Imi makavasima, zvirokwazvo midzi yavo yakabata; vanokura, zvirokwazvo vanobereka zvibereko; imi muri pedyo nemiromo yavo, asi muri kure nemwoyo yavo. |
| 3 |
| Asi imi Jehovha munondiziva; munondiona, munoidza mwoyo wangu kuti wakadini kwamuri; muvakweve samakwai anondobayiwa, muvagadzirire zuva rokubayiwa. |
| 4 |
| Nyika ichachema, nemiriwo yenyika yose ichasvava kusvikira rinhiko? Mhuka neshiri zvinopedzwa nokuda kwezvakaipa zvavageremo, nokuti vakati, “Haangaoni kuguma kwedu.” |
| 5 |
| “Kana uchinge wakamhanya navanofamba namakumbo, ukaneta ungagona seiko kuvhivhana namabhiza? Kana uchinge wakagara zvakanaka panyika yorugare, ungaita seiko pamatenhere aJodhani? |
| 6 |
| “Nokuti naidzo hama dzako naveimba yababa vako vakaita nokunyengera kwauri; naivo vakadanidzira kwauri, usavatenda, kunyangwe vachitaura mashoko akanaka newe.” |
| 7 |
| “Ndasiya imba yangu, ndarasha nhaka yangu; ndaisa mudikanwa womwoyo wangu mumaoko avavengi vake. |
| 8 |
| Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri mudondo; yandiombera, saka ndakaivenga. |
| 9 |
| Ko nhaka yangu yava kwandiri segondo rina mavara here? Makondo akaikomba kumativi ose here? Endai mundokokera zvikara zvose zvokusango, muuye nazvo zvidye. |
| 10 |
| Vafudzi vazhinji vakaparadza munda wangu wemazambiringa, vakatsika mugove wangu namakumbo avo, vakaita mugove wangu unodikanwa rive renje risina chinhu. |
| 11 |
| Vakauita dongo; unochema kwandiri, zvawakaitwa dongo; nyika yose yakaitwa dongo, nokuti hakuna munhu une hanya nayo. |
| 12 |
| Vaparadzi vakasvika pazvikomo zvose zvisina miti murenje; nokuti munondo waJehovha unopedza kubva kumugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo wenyika; hakuna nyama ino rugare. |
| 13 |
| Vakakusha zviyo, asi vakacheka minzwa; vakazvitambudza, asi havana kuwana chinhu; muchanyadziswa pamusoro pezvibereko zveminda yenyu, nokuda kwokutsamwa kukuru kwaJehovha.” |
| 14 |
| Zvanzi naJehovha pamusoro povokwangu vose vakaipa vanopamba nhaka yandakagarisa vanhu vangu VaIsiraeri, “Tarirai, ndichavadzura panyika yavo, ndichadzura veimba yaJudha pakati pavo. |
| 15 |
| “Zvino kana ndavadzura, ndichadzoka, ndikavanzwira tsitsi, ndichavadzosera mumwe nomumwe kunhaka yake, nomumwe nomumwe kunyika yake. |
| 16 |
| Zvino kana vachidzidza zvakanaka tsika dzavanhu vangu, kupika nezita rangu, vachiti, ‘NaJehovha mupenyu,’ sezvavakadzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachavakiswa pakati pavanhu vangu. |
| 17 |
| “Asi kana vasinganzwi, ndichadzura rudzi uro, ndicharudzura nokuruparadza” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/jeremiah/012.mp3
52
12