Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Zvakanzi naJehovha kwandiri, “Enda undotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,” |
| 2 |
| Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu. |
| 3 |
| Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti, |
| 4 |
| “Tora bhanhire rawakatenga uye rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.” |
| 5 |
| Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha. |
| 6 |
| Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.” |
| 7 |
| Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose. |
| 8 |
| Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, |
| 9 |
| “Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema. |
| 10 |
| Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose! |
| 11 |
| Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vembiri yangu nokurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’ |
| 12 |
| “Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’ |
| 13 |
| ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichazadza nokudhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema. |
| 14 |
| Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’ ” |
| 15 |
| Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri, musazvikudza, nokuti Jehovha ataura. |
| 16 |
| Rumbidzai Jehovha Mwari wenyu asati auyisa rima, makumbo enyu asati agumburwa pamakomo erima. Munotarisira chiedza, asi iye achachishandura kuti chive mumvuri worufu, uye achachiita rima guru. |
| 17 |
| Asi kana musingateereri, ndichachema pakavanda nokuda kwokuzvikudza kwenyu; Meso angu achachema zvikuru, achiyerera misodzi, nokuti boka ramakwai raJehovha richaendeswa kuutapwa. |
| 18 |
| Uti kuna mambo nokuna mai vamambo, “Burukai pazvigaro zvenyu zvoushe, nokuti korona dzenyu dzokukudzwa dzichawira pasi kubva pamisoro yenyu.” |
| 19 |
| Maguta okuNegevhi achazarirwa, uye hakuna munhu achaazarura. VaJudha vose vachaendeswa kuutapwa, vachaendeswa kure zvachose. |
| 20 |
| Simudza meso ako uone avo vanobva nechokumusoro. Ko, boka ramakwai rawakapiwa kuti urichengete riripi, iwo makwai awaizvirumbidza nawo? |
| 21 |
| Uchati kudiniko kana Jehovha achiisa pamusoro pako avo vawakadzidzisa seshamwari dzako dzakasarudzika? Haungarwadziwi zvikuru here, somukadzi osununguka mwana? |
| 22 |
| Zvino kana ukazvibvunza pachako, uchiti: “Sei izvi zvaitika kwandiri?”— zvaitika nokuda kwezvivi zvako zvizhinji, kuti nguo dzako dzabvarurwa, uye muviri wako ukasabatwa zvakanaka. |
| 23 |
| Ko, muEtiopia angashandura ganda rake here, kana ingwe mavara ayo? Saizvozvowo imi hamungagoni kuita zvakanaka, imi makarovedzera kuita zvakaipa. |
| 24 |
| “Ndichakuparadzirai sehundi inopepereswa nemhepo yomugwenga. |
| 25 |
| Uyu ndiwo mugove wako, ndicho chikamu chandakakutemera,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti wakandikanganwa ukavimba navamwari venhema. |
| 26 |
| Ndichafukura nguo dzako pamberi pako, kuti kunyadziswa kwako kuonekwe, |
| 27 |
| upombwe hwako nokufemhedza kworuchiva rwako, iko kufeva kwako kusina nyadzi! Ndakaona mabasa ako anonyangadza awaiita pamusoro pezvikomo nomumunda. Une nhamo, iwe Jerusarema! Ucharamba usina kuchena kusvikira rinhiko? |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/jeremiah/013.mp3
52
13