Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| “Zvivi zvaJudha zvakanyorwa nepeni yamatare, nomuromo wedaimani; zvakatemwa pamahwendefa emwoyo yavo, napanyanga dzamaatari enyu; |
| 2 |
| nguva dzose kana vana vavo vachirangarira maatari avo nemiti yavo yakatsaurwa pamiti mitema pazvikomo zvakakwirira. |
| 3 |
| Iwe gomo rangu riri kusango, nhumbi dzako nepfuma yako yose ndichazvitapisa, nenzvimbo dzako dzakakwirira, nokuda kwezvivi zvenyu zviri mumiganhu yenyu yose. |
| 4 |
| Nemi, iyemi mumene, mucharega nhaka yenyu yandakakupai; ndichakuitai varanda vavavengi venyu munyika yamusingazivi, nokuti makabatidza moto pakutsamwa kwangu, uchapfuta nokusingaperi.” |
| 5 |
| Zvanzi naJehovha, “Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, uno mwoyo unotsauka kuna Jehovha. |
| 6 |
| Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu. |
| 7 |
| Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake. |
| 8 |
| Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko. |
| 9 |
| Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva? |
| 10 |
| Ini Jehovha, ndinonzvera mwoyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe mumwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, uye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.” |
| 11 |
| Segwari rinogarira mazai arisina kukandira rimene, ndizvo zvakaita iye unozviwanira pfuma nokusarurama; ichamusiya pakati pamazuva ake, pakupedzisira kwake richava benzi. |
| 12 |
| Nzvimbo yeimba yedu tsvene chigaro choushe chakaisvonaka, chakanga chakakwirira kubva pakutanga. |
| 13 |
| Imi Jehovha, tariro yaIsiraeri, vose vanokurashai vachanyadziswa; vanotsauka kwandiri vachanyorwa muvhu, nokuti vakarasha Jehovha, iro tsime remvura mhenyu. |
| 14 |
| Ndiporesei Jehovha, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa; nokuti ndimi wandinorumbidza. |
| 15 |
| Tarirai, vanoti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngariuye zvino.” |
| 16 |
| Kana ndirini, handina kukurumidza kusakuteverai somufudzi, handina kushuva zuva renjodzi; imi munoziva; zvakabuda mumoromo mangu zvakanga zviri pamberi penyu. |
| 17 |
| Musava kwandiri chinhu chinotyisa; imi muri hutiziro hwangu nezuva rezvakaipa. |
| 18 |
| Vanonditambudza ngavanyadziswe, asi ini ndirege kunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndirege kuvhunduswa; uyisai kwavari zuva rezvakaipa, muvaparadze nokuparadza kwakapamhidzirwa. |
| 19 |
| Jehovha akati kwandiri, “Enda undomira pasuwo ravana vavanhu, panopinda madzimambo aJudha, napavanobuda, napamasuwo ose eJerusaremu; |
| 20 |
| uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo aJudha, navaJudha vose, navose vagere Jerusaremu vanopinda napamasuwo awa.’ |
| 21 |
| “Zvanzi naJehovha, ‘Zvichenjerei, murege kutakura mutoro nezuva reSabata, kana kupinda nawo napamusuwo eJerusaremu; |
| 22 |
| musabuda makatakura mutoro padzimba dzenyu nezuva reSabata, kana kubate basa ripi neripi; asi mutsaure zuva reSabata, sezvandakaraira madzibaba enyu.’ |
| 23 |
| Asi havana kuterera, kana kurerekera nzeve dzavo; asi vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa, varege kudzidziswa. |
| 24 |
| “Zvino zvanzi naJehovha, ‘Kana mukanatsa kunditerera, mukasapinda nomutoro napamasuwo eguta rino nezuva reSabata, asi muchitsaura zuva reSabata, musingabati basa ripi neripi naro; |
| 25 |
| ipapo pachapinda napamasuwo eguta rino madzimambo namachinda anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, anofamba nengoro namabhiza, iwo namachinda awo, navarume vaJudha, navagere Jerusaremu; guta rino richavapo nokusingaperi.’ |
| 26 |
| “Vachabva kumaguta aJudha, napanzvimbo dzakapoteredza Jerusaremu, napanyika yaBhenjamini, napanyika yamapani, napanyika yamakomo, nokurutivi rwezasi, vachiuya nezvipiriso zvinopiswa, nezvibairo, nezvipiriso zvohupfu, nezvinonhuwira, vachiuya nezvokuwonga nazvo kuimba yaJehovha. |
| 27 |
| Asi kana mukaramba kunditerera, mukaramba kutsaura zuva reSabata, muchitakura mutoro muchipinda nawo napamasuwo eJerusaremu nezuva reSabata, ipapo ndichabatidza moto pamasuwo aro, uchapedza dzimba dzamambo dzeJerusaremu, usingazodzimwi.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/jeremiah/017.mp3
52
17