Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti, |
| 2 |
| “Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.” |
| 3 |
| Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo. |
| 4 |
| Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka. |
| 5 |
| Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, |
| 6 |
| “Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri. |
| 7 |
| Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe, |
| 8 |
| uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera. |
| 9 |
| Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe nokusimwa, |
| 10 |
| uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira. |
| 11 |
| “Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai! ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’ |
| 12 |
| Asi vachapindura vachiti, ‘Hazvina maturo. Ticharambira pane zvatakafunga; mumwe nomumwe wedu achatevera kusindimara kwomwoyo wake wakaipa.’ ” |
| 13 |
| Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Bvunzai pakati pavahedheni kuti: Ndiani akambonzwa chimwe chinhu chakadai? Chinhu chakaipa kwazvo chakaitwa neMhandara Israeri. |
| 14 |
| Ko, chando cheRebhanoni chinomboshayikwawo pamawere ematombo here? Ko, mvura yaro inotonhorera inoyerera ichibva kure inombomira kuyerera here? |
| 15 |
| Kunyange zvakadaro, vanhu vangu vakandikanganwa; vanopisira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvisina maturo, izvo zvakaita kuti vagumburwe munzira dzavo, uye napamakwara ekare kare. Vakavaita kuti vafambe mumakwara akatsauka nomumigwagwa isina kugadzirwa. |
| 16 |
| Nyika yavo ichaitwa dongo, chiseko chisingaperi; vose vanopfuura nemo vachashamiswa uye vachadzungudza misoro yavo. |
| 17 |
| Semhepo inobva kumabvazuva, ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo; ndichavaratidza musana wangu kwete uso hwangu, pazuva renjodzi yavo.” |
| 18 |
| Vakati, “Uyai tironge zvatingaita naJeremia; nokuti kudzidziswa kwomurayiro navaprista hakungaraswi, kunyange zano rinobva kuna vakachenjera, kana shoko rinobva kuvaprofita. Saka uyai, timurove nendimi dzedu tirege kuteerera chinhu chipi nechipi chaanoreva.” |
| 19 |
| Haiwa Jehovha ndinzweiwo; donzwai zvinorehwa navapomeri vangu! |
| 20 |
| Ko, zvakanaka zvingatsiviwa nezvakaipa here? Kunyange zvakadaro vakandicherera gomba. Rangarirai kuti ndakamira pamberi penyu ndichivareverera, kuti mudzore kutsamwa kwenyu kwavari; |
| 21 |
| Saka sundirai vana vavo kunzara; vaisei kusimba romunondo. Vakadzi vavo ngavarege kuva navana uye ngavave chirikadzi; Varume vavo ngavaurayiwe, majaya avo ngaaurayiwe nomunondo muhondo. |
| 22 |
| Kuchema ngakunzwike kuchibva kudzimba dzavo, pamunouyisa vapambi pamusoro pavo pakarepo, nokuti vakachera hunza kuti vandibate, uye vakavanzira tsoka dzangu misungo. |
| 23 |
| Asi munoziva, imi Jehovha, rangano dzavo dzose dzokundiuraya. Musavakanganwira mhaka dzavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu. Ngavawisirwe pasi pamberi penyu, muvarove panguva yokutsamwa kwenyu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/jeremiah/018.mp3
52
18