|
| 1 |
|
| Izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi rikati, |
|
| 2 |
|
| “Chisumuka udzike kumba yomuumbi wehari, ikoko ndichaita kuti unzwe shoko rangu.” |
|
| 3 |
|
| Saizvozvowo ndakadzika kumba kwomuumbi wehari onei achiumbira zvinhu pane chokuumbira chinotenderera. |
|
| 4 |
|
| Zvino mudziyo waakanga achiumba nevhu iroro wakakanganisika uri mumaoko make kudaro akabva aumbazve mumwe mudziyo naro sokuda kwake. |
|
| 5 |
|
| Izwi raTenzi ndokubva rauya kwandiri richiti, |
|
| 6 |
|
| “Nhai imi vemba yeIsiraeri ndinotadza here kuita nemi zvaitwa nomuumbi uyu? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chinzwai, sezvakangoita munyakwe uri mumaoko omuumbi ndozvamakangoita imi mumaoko mangu, imi vemba yaIsiraeri. |
|
| 7 |
|
| Nguva yose yandinenge ndataura chinhu ndakananga rudzi rwavanhu, kana nyika kuti ndichaidzipura kana kuipaza kana kuiparadza |
|
| 8 |
|
| uye kana rudzi rwavanhu ivavo rune zvandinenge ndataura zvacho rukapinduka pakuipa kwarwo neniwo ndinobva ndaregawo kuita zvakaipa zvandinenge ndambofunga kuti ndiite kwarwuri. |
|
| 9 |
|
| Uyewo nguva yose zvayo yandinenge ndatemera rumwe rudzi rwavanhu kana imwe nyika kuti ndichaivaka ndigoisima, |
|
| 10 |
|
| kana rudzi rwacho irworwo rukaita zvakaipa ruchirega kuteerera izwi rangu, ini ndinobva ndasandukawo ndorega kuruitira zvakanaka zvandakanga ndaronga kuruitira. |
|
| 11 |
|
| Saka zvino wochitaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Zvanzi naTenzi, ndiri kukurongerai nhamo, ndiri kukurukirai mazano okukutsvatai. Pindukai, munhu wose akande pasi nzira dzake dzakaipa mugadziridze mafambiro enyu namaitiro enyu.’ |
|
| 12 |
|
| “Asi ivo vanoti, ‘Hazvina maturo izvi. Tinotevera zvirongwa zvedu mumwe nomumwe achitevera zvake zvomusoro wake zvakaipa.’ ” |
|
| 13 |
|
| Naizvozvo, zvanzi naTenzi: “Imbobvunzaiwo pakati pevechirudzi kuti ndiani akambonzwawo zvakadai sezvizvi? Mhandara iyi, Isiraeri yakaita zvinhu zvakaipisisa kwazvo. |
|
| 14 |
|
| “Chando cheRebhanoni chinombopera here pazvikangararwe zveGomo reSirioni? Mvura yomugomo inombopwa here kuerera, tukova tune mvura inotonhorera? |
|
| 15 |
|
| “Asi vanhu vangu vandikanganwa. Vanopisira rusenzi kuna vamwari vasirivo vanogumburwa munzira dzawo, nzira dzakare vakapinda mutwunzirawo zvatwo kwete mumigwagwa mikuru |
|
| 16 |
|
| vachiita kuti nyika yavo ive chiseko chaicho chinhu chinoridzirwa zvacho tsamwa narini wose. “Munhu wose anopfuura nemairi anokatyamadzwa nazvo achidzungudza musoro wake. |
|
| 17 |
|
| “Sezvinoita mhepo yokumabvazuva, ndichavamwayanisa kuvavengi. Ndichavapa gotsi ndisingambovatarisa pazuva ravo renhamo.” |
|
| 18 |
|
| Vanhu ndopavakati, “Uyai tironge mazano okutsvata nawo Jeremiya nokuti kuvapristi mutemo hauzofa wakarova kunyange zano kuna vangwaru harimboperi, kana irowo shoko rinobva kumuporofita. Uyai timutape mukanwa, tirege kumboteerera zvedu zvaanotaura. |
|
| 19 |
|
| “Imi Tenzi, Teererai munzwe chichemo changu. |
|
| 20 |
|
| Ko zvakaipa zvingave ndizvo here zvokutsiva nazvo zvakanaka? Asi vakandicherera hunza kuti vandiurayire imomo. Rangarirai kumira kwendakaita pamberi penyu ndichivareverera kuti mudzore hasha dzenyu kwavari. |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo pinzai vana vavo mushangwa yenzara vaparadzwe namapakatwa, vadzimai vavo vasare vasisina vana, dzangove chirikadzi varume ngavafe nedenda, majaya avo aurayiwe nebakatwa muhondo. |
|
| 22 |
|
| Mudzimba dzavo ngamuve nokuchema, pamunoerekana mavaunzira muurayi, nokuti vakandicherera hunza kuti ndiwiremo, vakateyera tsoka dzangu misungo. |
|
| 23 |
|
| Asi imi Tenzi munoziva bangano ravo rokuda kundiuraya. Musavaregerere uipi hwavo kana kubvisa chitadzo chavo pameso penyu. Vadzadzarisei pamberi penyu makashatirwa.” |
|
|
|
|