|
| 1 |
|
| .Zvino Pashuri, mwanakomana womuprista Imeri, mutariri mukuru mumba maJehovha, wakanzwa Jeremiya achiporofita zvinhu izvi. |
|
| 2 |
|
| Ipapo Pashuri wakarova muporofita Jeremiya, akamusunga mumatanda aiva pasuo rokumusoro raBhenjamini, raiva mumba maJehovha. |
|
| 3 |
|
| Zvino fume mangwanani Pashuri akasunungura Jeremiya pamatanda. Ipapo Jeremiya akati kwaari, "Jehovha haana kukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magorimisabhibhi. |
|
| 4 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, `Tarira, ndinokuita chinhu chinotyisa, chichakutyisa iwe umene neshamwari dzako dzose; vachaparadzwa nomunondo wavavengi vavo, meso ako achazviona; ndichaisa Judha rose mumaoko amambo weBhabhironi, iye uchavatapira Bhabhironi, nokuvauraya nomunondo. |
|
| 5 |
|
| Uyezve, ndichaisa fuma yose yeguta rino, nezvose zvavakawana, nezvose zvavo zvinokosha, zvirokwazvo, nefuma yose yamadzimambo aJudha, ndichazviisa mumaoko avavengi vavo; ivo vachavapamba, nokuvatapa, nokuenda navo Bhabhironi. |
|
| 6 |
|
| Newe Pashuri, navose vagere mumba mako, muchatapwa, iwe uchandosvika Bhabhironi, uchandofirapo, nokuvigwapo, iwe neshamwari dzako dzose, dzawaiporofitira nhema.' " |
|
| 7 |
|
| imwi Jehovha makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imwi mune simba kupfuureni, mukakunda; ndakaitwa chinhu chinosekwa zuva rose, mumwe nomumwe unondiseka. |
|
| 8 |
|
| Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndodanidzira; ndinodanidzira, ndichiti, "Zvinoitwa nesimba nokuparadza" Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshoorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose. |
|
| 9 |
|
| Kana ndichiti, "Handichamurangariri, kana kutaura nezita rake," ipapo mumoyo mangu mava somoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni. |
|
| 10 |
|
| Nokuti ndakanzwa makuhwa avazhinji, zvinotyisa pamativi ose. "Pomerai, isu tigomupomera, ndizvo zvinotaura shamwari dzangu dzose dzinodikamwa neni, vanotarira kuparadzwa kwangu; zvimwe uchanyengerwa, tikamukunda, tikazvitsivira kwaari." |
|
| 11 |
|
| Asi Jehovha uneni semhare inotyisa; saka vamanikidzi vangu vachagumburwa, havangakundi; vachanyadziswa kwazvo, nokuti havana kuita nohuchenjeri, nokunyadzwa nokusingaperi, kusingazokanganikwi. |
|
| 12 |
|
| Asi imwi Jehovha wehondo, imi, munoidza vakarurama, munoona itsvo nomoyo, ngandione kutsiva kwenyu kwavari; nokuti ndakakuzarurirai imwi mhaka yangu. |
|
| 13 |
|
| Imbirai Jehovha, rumbidzai Jehovha; nokuti wakarwira mweya wounoshaiwa pamaoko avaiti vezakaipa. |
|
| 14 |
|
| Zuva randaberekwa naro ngaritukwe, zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa. |
|
| 15 |
|
| Munhu ngaatukwe wakazivisa baba vangu shoko rokuti, "Maberekerwa mwanakomana," akavafadza kwazvo. |
|
| 16 |
|
| Munhu uyo ngaave samaguta akaparadzwa naJehovha, akasazvidemba; ngaanzwe kuchema mangwanani nemhere panguva yamasikati; |
|
| 17 |
|
| zvaakarega kundiuraya ndichiri muchizvaro; saizvozvo mai vangu vangadai vaiva hwiro hwangu, vairamba vane mimba. |
|
| 18 |
|
| Ndakabudireiko pachizvaro, kuti ndione kutambudzika nokuchema, kuti mazuva angu apere nokunyadziswa? |
|
|
|
|