|
| 1 |
|
| Shoko, rakauya kuna Jeremiya, richibva kuna Jehovha, panguva yakatuma mambo Zedhekia kwaari Pashuri mwanakomana waMarikija, naZefaniya mwanakomana waMaaseya muprista, achiti, |
|
| 2 |
|
| "Dotibvunziraiwo kuna Jehovha, nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi worwa nesu; zvimwe Jehovha ungatiitira chishamiso chakafanana namabasa ake ose anoshamisa, kuti abve kwatiri." |
|
| 3 |
|
| Ipapo Jeremiya akati kwavari, "Itiyi kuna Zedhekia, |
|
| 4 |
|
| `Zvanzi naJehovha, Mwari walsiraeri, tarirai, ndichadzosa nhumbi dzokurwa dziri mumaoko enyu, dzamunorwa nadzo namambo weBhabhironi navaKaradhea vanokukombai kunze mukati meguta rino, |
|
| 5 |
|
| Ini ndimene ndicharwa nemwi nechanza chakatambanudzwa noruoko rune simba, nokutsamwa nehasha, neshungu kwadzo. |
|
| 6 |
|
| Ndicharova vagere muguta rino, vanhu nezvipfuwo zvose; zvichafa nehosha yakaipa. |
|
| 7 |
|
| Pashure ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaisa Zedhekia mambo waJudha, navaranda vake navanhu vake, ivo vakasara muguta rino, vakapukunyuka pahosha, napamunondo, napanzara, mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, nomumaoko avavengi vavo, nomumaoko avanotsvaka kuvauraya; iye uchavarova nomunondo unopinza, haangavaregi, kana kuvanzwira ngoni, kana kuva nenyasha navo.' " |
|
| 8 |
|
| Iwe uti kuvanhu ava, "Zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira yohupenyu nenzira yorufu.' |
|
| 9 |
|
| "Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo nenzara nehosha; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhea vanokukombai, iye uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba. |
|
| 10 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, `Ndakarinzira guta rino chiso changu kuti ndiriitire zvakaipa, ndirege kuriitira zvakanaka; richaiswa mumaoko amambo weBhabhironi, iye ucharipisa nomoto.' " |
|
| 11 |
|
| Zvino kana iri imba yamambo waJudha, inzwai shoko raJehovha, |
|
| 12 |
|
| "Nhai imba yaDhavhidhi ndizvo zvinotaura Jehovha tongai zvakarurama mangwanani, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza, kuti kutsamwa kwangu kurege kubuda somoto, kuchipfuta kusina ungakudzima, nokuda kwezvakaipa zvamabasa enyu. |
|
| 13 |
|
| Tarira, ndine mhosva newe, iwe ugere mumupata, padombo romubani ndizvo zvinotaura Jehovha; imi, munoti, `Ndiani uchapinda mudzimba dzedu?' |
|
| 14 |
|
| Ndichakurovai zvakaenzana nezvibereko zvamabasa enyu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichabatidza moto mudondo raro, uchapedza zvose zvakaripoteredza." |
|
|
|
|