|
| 1 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Burukira kumba kwamambo waJudha, undotaurapo shoko iri, |
|
| 2 |
|
| uti, ‘Inzwa shoko raJehovha, iwe mambo waJudha, ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, iwe navaranda vako, navanhu vako vanopinda napamasuwo awa.’ |
|
| 3 |
|
| “Zvanzi naJehovha, ‘Tongai zvakarurama nezvakatendeka, murwire wakabirwa muruoko rwounomumanikidza; mutorwa, nenherera, nechirikadzi, regai kuvaitira zvisakarurama, regai kuvaitira nesimba; uye musateura ropa risina mhosva panzvimbo ino.’ |
|
| 4 |
|
| Nokuti kana muchiita chinhu ichi nomwoyo wose, pamasuwo eimba iyi pachapinda madzimambo, achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achifamba nengoro nokutasva mabhiza, iye navaranda vake navanhu vake. |
|
| 5 |
|
| Asi kana mukaramba kunzwa mashoko awa, ndinopika neni ndimene, kuti imba ino ichava dongo ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 6 |
|
| “Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Uri Giriadhi kwandiri, nomusoro weRebhanoni; asi zvirokwazvo ndichakuita renje, namaguta asingagarwi navanhu.’ |
|
| 7 |
|
| Ndichakugadzirira vaparadzi, mumwe nomumwe ane nhumbi dzake dzokurwa; vachatema misidhari yenyu inodikanwa, vachiikandira mumoto. |
|
| 8 |
|
| Marudzi mazhinji avanhu achapfuura napaguta rino, mumwe nomumwe uchati kunowokwake, ‘Jehovha wakaitireiko guta rino guru zvakadaro?’ |
|
| 9 |
|
| “Ipapo vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha, Mwari wavo, vakanamata vamwe vamwari, vachivashumira.’ ” |
|
| 10 |
|
| Musachema wakafa, kana kumuwungudzira; asi mucheme kwazvo iye unoenda, nokuti haangadzokizve, kana kuona zvenyika yake yaakaberekerwa. |
|
| 11 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, wakabata ushe panzvimbo ino, “Iye haangadzokeripozve; |
|
| 12 |
|
| asi kwaakatapirwa, ndiko kwaachandofirako; haangazoonizve nyika ino.” |
|
| 13 |
|
| Une nhamo iye unovaka imba yake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro achiita zvisakarurama; unobatisa wokwake asingamupi chinhu, asingamupi mubairo wokubata kwake; |
|
| 14 |
|
| iye, unoti, “Ndichazvivakira imba huru namakamuri okumusoro akafara, achizviitira mahwindo; zvino yoitirwa denga romusidhari, ichizodzwa muti mutsvuku.” |
|
| 15 |
|
| “Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokunwa, vachiita zvakarurama nezvakatendeka here?” Ipapo vakagara nomufaro. |
|
| 16 |
|
| Vaitamba mhaka dzavarombo navanoshaiwa; ipapo vaiva nomufaro. “Ko izvozvi hakuzi kundiziva here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 17 |
|
| Asi meso ako nomwoyo wako hazvirangariri zvimwe, asi kuchiva kwako nokuteura ropa risina mhosva, nokumanikidza, nokuita nesimba; kuti uzviite. |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paJehoiakimu mwanakomana waJosiya, mambo waJudha, ‘Havangamuchemi,’ vachiti, ‘Haiwa, munun'una wangu!’ Kana, ‘Haiwa, hanzvadzi!’ Havangachemi, vachiti, ‘Haiwa, ishe!’ Kana, ‘Haiwa, hukuru hwake!’ |
|
| 19 |
|
| “Uchavigwa sokuvigwa kwembongoro, uchakweverwa nokurashwa kunze kwamasuwo eJerusaremu.” |
|
| 20 |
|
| Kwirai Rebhanoni, mudanidzire; danidzirai nenzwi renyu paBhashani; danidzirai muri paAbharimi; nokuti vadikani venyu vose vakaparadzwa. |
|
| 21 |
|
| Ndakataura newe pakufara kwako; asi iwe wakati, “Handidi kunzwa.” Ndiwo wakanga uri mutoo wako kubvira pahuduku hwako, kuti hauna kuteerera izwi rangu. |
|
| 22 |
|
| Mhepo ichaparadza vafudzi vako vose, navadikani vako vachatapwa; zvirokwazvo nenguva iyo uchanyadziswa nokukanganiswa nokuda kwezvakaipa zvako zvose. |
|
| 23 |
|
| Haiwa, iwe, ugere Rebhanoni, unovaka dendere rako mumisidhari, uchanzwisisa hurombo kwazvo sei kana uchizowirwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka! |
|
| 24 |
|
| “Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha kunyangwe Konia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, aiva chindori chokutsikisa nacho paruoko rwangu rworudyi, kunyangwe zvakadaro ndaikubvisa ipapo. |
|
| 25 |
|
| Ndichakuisa murwoko rwavanotsvaka kukuuraya, nomuruoko rwaivo vaunotya, muruoko rwaNebhukadhineza mambo weBhabhironi, nomumaoko avaKaradhia. |
|
| 26 |
|
| Iwe namai vako vakakubereka ndichakudzingirai kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa; ipapo muchandofirapo. |
|
| 27 |
|
| Asi kunyika kunopanga mwoyo yavo kudzokera, havangadzokeriko. |
|
| 28 |
|
| “Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unozvidzwa here? Iye mudziyo usingafadzi munhu here? Vakadzingirweiko, iye navana vake, vakadzingirwa kunyika yavasingazivi?” |
|
| 29 |
|
| Iwe nyika, nyika, nyika, inzwa izwi raJehovha. |
|
| 30 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro, uchagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, achibata ushe hwaJudha.” |
|
|
|
|