|
| 1 |
|
| Shoko, rakauya kuna Jeremiya pamusoro pavanhu vose vaJudha, negore rechina raJehoiakimu, mwanakomana waJosiya, mambo waJudha; ndiro gore rokutanga raNebhukadhirezari mambo weBhabhironi, |
|
| 2 |
|
| iro rakataurwa nomuporofita Jeremiya kuvanhu vose vaJudha, navose vagere Jerusaremu, achiti, |
|
| 3 |
|
| "Kubva pagore regumi namatatu raJosiya mwanakomana waAmoni, mambo wavaJudha, kusvikira pazuva rino, makore awa ana makumi maviri namatatu, shoko raJehovha raiuya kwandiri, ndikakutaurirai, ndichimuka mangwanani, ndichitaura; asi imwi hamuna kuteerera. |
|
| 4 |
|
| Jehovha wakatuma kwamuri varanda vake vose vaporofita, achimuka mangwanani, achivatuma, asi imwi hamuna kuteerera, kana kurerekera nzeve dzenyu kuti munzwe, |
|
| 5 |
|
| vachiti, `Dzokai zvino mumwe nomumwe panzira yake yakaipa, napazvakaipa zvamunoita, mugare munyika yamakapiwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu, kubva kare nakare kusvikira pakusingaperi, |
|
| 6 |
|
| regai kutevera vamwe vamwari kuti muvashumire, nokuvanamata, murege kunditsamwisa namabasa amaoko enyu; ini ndigorega kukuitirai zvakaipa.' |
|
| 7 |
|
| "Asi hamuna kunditeerera, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti munditsamwise namabasa amaoko enyu, muitirwe zvakaipa. |
|
| 8 |
|
| "Naizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, zvamusina kunzwa mashoko angu, |
|
| 9 |
|
| tarirai, ndichatuma shoko kumarudzi ose ari kurutivi rwokumusoro, ndivauyise, nokuna Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, muranda wangu, ndivauyise varwe nenyika ino, navageremo, namarudzi awa ose akaipoteredza;ndichavaparadza chose, nokuvaita chishamiso nechinoridzirwa muridzo, namatongo nokusingaperi. |
|
| 10 |
|
| Ndichabvisawo kwavari inzwi rokuseka nenzwi rokufara, nenzwi rechikomba, nenzwi romwenga, nenzwi ramakuyo, nechiedza chomwenje. |
|
| 11 |
|
| Nyika ino yose richava dongo, nechishamiso, marudzi awa achabatira mambo weBhabhironi makore ana makumi manomwe. |
|
| 12 |
|
| "Zvino kana makore ana makumi manomwe apera ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova mambo weBhabhironi, norudzi urwo pamusoro pezvakaipa zvavo, nenyika yavaKaradhea; ndichaiita matongo nokusingaperi. |
|
| 13 |
|
| Ndichauyisa pamusoro penyika iyo mashoko angu ose andakataura pamusoro payo, zvose zvakanyorwa mubhuku iyi, zvakaporofitwa naJeremiya pamusoro pamarudzi ose. |
|
| 14 |
|
| "Nokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru vachavasunga ivo vamene vave varanda vavo; ini ndichavaripira zvakaenzana nokubata kwavo, nezvakaenzana nebasa ramaoko avo." |
|
| 15 |
|
| Nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri, wakati kwandiri, "Tora mukombe uyu wewaini yokutsamwa kwangu paruoko rwangu, umwisepo marudzi ose andinokutumira kwaari. |
|
| 16 |
|
| Vachamwa, nokudzedzereka, nokupenga, nokuda komunondo wandichatuma pakati pavo." |
|
| 17 |
|
| Ipapo ndakatora mukombe paruoko rwaJehovha, ndikamwisa marudzi ose, andakatumirwa kwaari naJehovha; |
|
| 18 |
|
| vaiti Jerusaremu, namaguta aJudha, namadzimambo awo, namachinda awo, kuti vaitwe dongo, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinotukwa, sezvazvakaita nhasi. |
|
| 19 |
|
| NaFarao mambo navaranda vake, namachinda ake, navanhu vake vose; |
|
| 20 |
|
| namarudzi ose akavhengana, namadzimambo ose enyika yeUzi, namadzimambo ose enyika yavaFirisitia, neAshikeroni, neGaza, neEkironi, navakasara veAshidhodhi; |
|
| 21 |
|
| naEdhomu, naMoabhu, navana vaAmoni; |
|
| 22 |
|
| namadzimambo ose eTire, namadzimambo ose eSidhoni, namadzimambo echiwi chiri mhiri kwegungwa; |
|
| 23 |
|
| neDhedhani, neTema, neBhuzi, navose vakaveurwa vhudzi ravo kumativi; |
|
| 24 |
|
| namadzimambo ose eArabhia, namadzimambo ose amarudzi akavhengana vanogara kurenje; |
|
| 25 |
|
| namadzimambo ose eZimiri, namadzimambo ose eEramu, namadzimambo ose avaMedhia; |
|
| 26 |
|
| namadzimambo ose okumusoro, kure napedo, mumwe nomumwe, noushe hwose bwenyika, huri pasi pose; mambo weSheshaki uchamwa shure kwazvo. |
|
| 27 |
|
| Zvino iwe uti kwavari, "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Imwai, mubatwe, murutse, muwe, murege kuzosimukazve, nokuda komunondo wandichatuma pakati penyu.' |
|
| 28 |
|
| "Zvino kana vachiramba kutora pamukombe paruoko rwako kuti vamwe, ipapo uti kwavari, `Zvanzi naJehovha wehondo, munofanira kumwa, zvirokwazvo!' |
|
| 29 |
|
| Nokuti tarirai ndinotanga kuitira zvakaipa guta rakatumidzwa nezita rangu; zvino imwi mungaregwa chose musingarohwi here? Hamungaregwi musingarohwi; nokuti ndichadana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 30 |
|
| "Naizvozvo iwe uvaporofitire mashoko awa ose, uti kwavari, `Jehovha uchaomba ari kumusoro, uchabudisa inzwi rake ari pahugaro hwake hutsvene; uchaombera mafuro ake; uchapururudzira vose vagere panyika, sezvinoita vanotsika mazambiringa. |
|
| 31 |
|
| Mubvumo uchasvika pamugumo wenyika pamene; nokuti Jehovha une gakava namarudzi; uchatonga nyama yose; kana vari vakaipa, uchavaisa kumunondo, ndizvo zvinotaura Jehovha.' " |
|
| 32 |
|
| Zvanzi naJehovha wehondo, "Tarirai, zvakaipa zvichabuda kuno rumwe rudzi zvichienda kuno rumwe rudzi, nedutu guru remhepo richamutswa kumigumo yenyika." |
|
| 33 |
|
| Nezuva iro vakaurawa naJehovha vachavapo kubva kunomumwe mugumo wenyika kusvikira kunomumwe mugumo wenyika; havangachemwi, kana kuunganidzwa, kana kuvigwa; vachava mupfudze pasi pose. |
|
| 34 |
|
| Wungudzai, imwi vafudzi, mucheme; wumburukai mumadota, imwi vakuru vamapoka; nokuti mazuva okuurawa kwenyu asvika kwazvo, nookuparadzirwa kwenyu, muchawira pasi somudziyo unodikamwa. |
|
| 35 |
|
| Vafudzi vachashaiwa matizire, navakuru vamapoka mupukunyukire. |
|
| 36 |
|
| Inzwai inzwi rokuchema kwavafudzi, nokuwungudza kwavakuru vamapoka! Nokuti Jehovha unoparadza mafuro avo. |
|
| 37 |
|
| Mafuro orugare anoparadzwa nokutsamwa kukuru kwaJehovha. |
|
| 38 |
|
| Wakabva paanovanda seshumba; nokuti nyika yavo yava chishamiso, nokuda kokunyanya komunondo unomanikidza, uye nokuda kokutsamwa kwake kukuru. |
|
|
|
|