×

Shona SUB Bible 2002

Jeremiya 27

1
Pakuvamba kwokubata ushe kwaJehoiakimu mwanakomwana waJosiya, mambo waJudha, shoko iri rakasvika kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti,
2
“Zvanzi naJehovha kwandiri, ‘Zviitire zvisungo namatanda uzviise pamutsipa wako;
3
uzvitumire kuna mambo waEdhomu, nokuna mambo waMoabhu, nokuna mambo wavana vaAmoni, nokuna mambo weTaya, nokuna mambo weSidhoni, noruoko rwenhume dzinouya Jerusaremu kuna Zedhekiya mambo waJudha;’
4
utume shoko navo kuna tenzi wavo, uti, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, mundoti kuna tenzi wenyu,’
5
‘Ini ndakaita nyika, navanhu nezvipfuo zviri pasi pose, nesimba rangu guru uye noruoko rwangu rwakatambanudzwa; zvino ndinozvipa wandinoti ndiye wakafanirwa nazvo.’
6
Zvino ini ndakaisa nyika idzi dzose muruoko rwaNebhukadhineza mambo weBhabhironi, muranda wangu; nemhuka dzose dzebundo ndakamupawo kuti dzimushumire.
7
Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
8
“Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhineza mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nechirwere chakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
9
Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, ‘Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
10
nokuti vanokuporofiterai nhema, kuti muiswe kure nenyika yenyu, kuti ini ndikudzingirei kunze, muparare.’
11
Asi rudzi, ruchaisa mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, nokumushumira, rudzi urwo ndicharutendera kugara munyika yarwo, vachairima, nokugaramo ndizvo zvinotaura Jehovha.
12
“Zvino ndikataura naZedhekiya mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, ‘Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
13
Muchafireiko, imi navanhu venyu, nomunondo, uye nenzara, nechirwere chakaipa, sezvakataura Jehovha pamusoro porudzi runoramba kushumira mambo weBhabhironi?
14
Regai kuteerera mashoko avaporofita vanotaura kwamuri vachiti, “Hamungashumiri mambo weBhabhironi;” nokuti vanokuporofiterai nhema.
15
Nokuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imi navaporofita vanokuporofiterai.’ ”
16
Ndakataurawo navapristi, uye navanhu ava vose, ndikati, “Zvanzi naJehovha, ‘Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofiterai,’ vachiti, ‘Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nokuti vanokuporofiterai nhema.
17
Regai kuvaterera; shumirai mambo weBhabhironi, murarame; guta rino richaitwa dongo neiko?’
18
Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi.”
19
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo pamusoro pembiru, napamusoro pegungwa, napamusoro pezvigadziko, napamusoro pemidziyo yakasara muguta rino;
20
zvisina kutorwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi, panguva yaakatapa Jekonia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo wavaJudha, paJerusaremu, akamuisa Bhabhironi, pamwechete navakuru vose vavaJudha naveJerusaremu;
21
nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro pemidziyo yakasara mumba maJehovha, nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu,
22
“Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino.”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa