|
| 1 |
|
| Zvino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumwa nomuporofita Jeremiya ari paJerusaremu kuvakuru vakanga vasara kuna vakatapwa, nokuvaprista nokuvaporofita, nokuvanhu vose, vakanga vakatapwa paJerusaremu naNebhukadhinezari, vakaiswa Bhabhironi, |
|
| 2 |
|
| Shure kokubva paJerusaremu kwamambo Jekonia, namai vake, navaranda, namachinda aJudha neeJerusaremu, navavezi, navapfuri, |
|
| 3 |
|
| noruoko rwaErasa, mwanakomana waShafani, naGemaria, mwanakomana waHirikia, vakanga vatumwa Bhabhironi naZedhekia mambo waJudha kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, achiti, |
|
| 4 |
|
| "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, kuna vose vakatapwa, vandakatapisa Jerusaremu vaiswe Bhabhironi. |
|
| 5 |
|
| "Zvivakirei dzimba, mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo; |
|
| 6 |
|
| wanai vakadzi, mubereke vanakomana navanasikana; wanisai vanakomana venyu vakadzi, navanasikana venyu muvaise kuvarume, kuti vabereke vanakomana navanasikana, muwandeko, murege kutapudzwa. |
|
| 7 |
|
| Mutsvake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyengeterere kuna Jehovha; nokuti norugare rwaro imwi muchava norugarewo. |
|
| 8 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Vaporofita venyu, vari pakati penyu, navauki venyu, ngavarege kukunyengerai; regai kuteerera kurota kwenyu kwamunoroteswa.' |
|
| 9 |
|
| "Nokuti vanokuporofitirai nhema nezita rangu, ini handina kuvatuma, ndizvo zvinotaura Jehovha." |
|
| 10 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, "Kana makore makumi manomwe aperera Bhabhironi, ndichakushanyirai, nokukusimbisirai shoko rangu rakanaka, ndichikudzoserai kunzvimbo ino. |
|
| 11 |
|
| Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro. |
|
| 12 |
|
| Muchadana kwandiri, muchandonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai. |
|
| 13 |
|
| Muchanditsvaka, mukandiwana, kana muchinditsvaka nomoyo wenyu wose. |
|
| 14 |
|
| Ndichawanikwa nemi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichakudzosai pakutapwa kwenyu, nokukuunganidzai kumarudzi ose, nokunzvimbo dzose kwandakanga ndakudzingirai, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichakudzoseraizve kunzvimbo kwandakanga ndakutapisai. |
|
| 15 |
|
| "Zvamakati, `Jehovha wakatimutsira vaporofita paBhabhironi;' |
|
| 16 |
|
| zvanzi naJehovha pamusoro pamambo ugere pachigaro choushe chaDhavhidhi, napamusoro pavanhu vose vagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina kuenda nemwi pakutapwa kwenyu; |
|
| 17 |
|
| zvanzi naJehovha wehondo, `Tarirai, ndichatuma pamusoro pavo munondo, nenzara, nehosha yakaipa, ndichavaita samaonde akaipa kwazvo, asingabviri kudyiwa nokuipa kwawo. |
|
| 18 |
|
| Ndichateverera nomunondo, nenzara, nehosha yakaipa; ndichavaita chinhu chinotyisa ushe hwose bwenyika, vave chinhu chinotukwa, nechishamiso, nechinoridzirwa muridzo, nechinoshoorwa pakati pamarudzi ose kwandakavadzingira; |
|
| 19 |
|
| zvavasina kuteerera mashoko angu, ndizvo zvinotaura Jehovha, andakatuma kwavari navaranda vangu vaporofita, ndichimuka mangwanani ndichivatuma; asi makaramba kuteerera, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha, imwi mose makatapwa, vandakadzinga paJerusaremu ndikavaisa Bhabhironi.' |
|
| 21 |
|
| "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, pamusoro paAhabhi mwanakomana waKoraia, napamusoro paZedhekia mwanakomana waMaaseia, vanokuporofitirai nhema nezita rangu, `Tarirai, ndinovaisa muruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi; iye uchavauraya pamberi penyu; |
|
| 22 |
|
| vatapwa vose vaJudha, vari Bhabhironi, vachatora kwavari shoko rokutuka naro,' vachiti, ‘Jehovha akuite saZedhekia uye saAhabhi,' vakagochwa pamoto namambo weBhabhironi. |
|
| 23 |
|
| "Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha." |
|
| 24 |
|
| Zvino kuna Shemaia muNeheramite, unofanira kutaura uchiti, |
|
| 25 |
|
| "Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womuprista Maaseia, nokuvaprista vose,' uchiti, |
|
| 26 |
|
| ‘Jehovha wakakuita muprista panzvimbo yomuprista Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.' |
|
| 27 |
|
| "Ko zvino wakaregerei kutuka Jeremiya weAnatoti, unozviita muporofita pamberi penyu, |
|
| 28 |
|
| zvaakatuma shoko kwatiri paBhabhironi, achiti, `Nguva irefu, vakai dzimba mugaremo; simai minda, mudye zvibereko zvayo?' " |
|
| 29 |
|
| Zvino muprista Zefaniya akaravira muporofita Jeremiya rugwaro urwu. |
|
| 30 |
|
| Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya, richiti, |
|
| 31 |
|
| "Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, `Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofitirai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,' |
|
| 32 |
|
| naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.' " |
|
|
|
|