|
| 1 |
|
| "Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu. |
|
| 2 |
|
| `Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo vaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.' |
|
| 3 |
|
| Jehovha wakazviratidza kwandiri ari kure, akati, `Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro. |
|
| 4 |
|
| Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara. |
|
| 5 |
|
| Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.' |
|
| 6 |
|
| Nokuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, `Simukai imi, tikwire Ziyoni kuna Jehovha Mwari wedu.' " |
|
| 7 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, "Imbirai Jakobho nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, `Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsiraeri |
|
| 8 |
|
| Tarirai ndichavavuyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, nemhetamakumbo, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru. |
|
| 9 |
|
| Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nokuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu." |
|
| 10 |
|
| Inzwai shoko raJehovha, imwi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, "Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake. |
|
| 11 |
|
| Nokuti Jehovha wakadzikunura Jakobho, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba. |
|
| 12 |
|
| Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZiyoni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve. |
|
| 13 |
|
| Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo. |
|
| 14 |
|
| "Ndichagutisa mweya yavaprista namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha." |
|
| 15 |
|
| Zvanzi naJehovha, "Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo. |
|
| 16 |
|
| Zvanzi naJehovha, `Dzora inzwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo. |
|
| 17 |
|
| Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.' |
|
| 18 |
|
| Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, 'Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nokuti imwi muri Jehovha Mwari wangu.' |
|
| 19 |
|
| Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kohuduku hwangu. |
|
| 20 |
|
| Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikamwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo moyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 21 |
|
| "Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvino; rerekerai moyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa. |
|
| 22 |
|
| Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? Nokuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume." |
|
| 23 |
|
| Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, "Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, `Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.' |
|
| 24 |
|
| "Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo. |
|
| 25 |
|
| Nokuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa. |
|
| 26 |
|
| Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira. |
|
| 27 |
|
| "Zvanzi naJehovha, `Tarirai, mazuva anouya, andichadzvara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuwo. |
|
| 28 |
|
| Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.' |
|
| 29 |
|
| Namazuva awo havangazoti, `Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.' |
|
| 30 |
|
| Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake achabwadzira." |
|
| 31 |
|
| "Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha. |
|
| 32 |
|
| Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 33 |
|
| Asi heyi sungano yandichaita neimba yalsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, `Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.' |
|
| 34 |
|
| Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, `Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakangamwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.' |
|
| 35 |
|
| Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyeredzi zvive chiedza vusiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake. |
|
| 36 |
|
| Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi. |
|
| 37 |
|
| Zvanzi naJehovha, `Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose vaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.' |
|
| 38 |
|
| "Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuo rekona. |
|
| 39 |
|
| Uye rwonzi rwokuyera narwo ruchapfuura ruchiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa. |
|
| 40 |
|
| Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi." |
|
|
|
|