Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| “Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu. |
| 2 |
| Zvanzi naJehovha, ‘Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo VaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.’ |
| 3 |
| Jehovha akazviratidza kwandiri ari kure, akati, ‘Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro. |
| 4 |
| Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzwazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara. |
| 5 |
| Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.’ |
| 6 |
| Nokuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, ‘Simukai imi, tikwire Zioni kuna Jehovha Mwari wedu.’ ” |
| 7 |
| Nokuti zvanzi naJehovha, “Imbirai Jakobho nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, ‘Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara VaIsiraeri.’ |
| 8 |
| Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, navanokamhina, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru. |
| 9 |
| Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nokuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu.” |
| 10 |
| Inzwai shoko raJehovha, imi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, “Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake. |
| 11 |
| Nokuti Jehovha akadzikinura Jakobho, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba. |
| 12 |
| Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZioni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve. |
| 13 |
| Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo. |
| 14 |
| “Ndichagutisa mweya yavapristi namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha.” |
| 15 |
| Zvanzi naJehovha, “Izwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Racheri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo. |
| 16 |
| Zvanzi naJehovha, ‘Dzora izwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa mubairo, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo. |
| 17 |
| Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganhu yavo.’ |
| 18 |
| Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, ‘Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nokuti imi muri Jehovha Mwari wangu.’ |
| 19 |
| Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kwohuduku hwangu. |
| 20 |
| Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo mwoyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 21 |
| “Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvani; rerekerai mwoyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa. |
| 22 |
| Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? Nokuti Jehovha akasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume.” |
| 23 |
| Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, “Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, ‘Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.’ |
| 24 |
| “Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo. |
| 25 |
| Nokuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa. |
| 26 |
| Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira. |
| 27 |
| “Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anouya, andichadyara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuo. |
| 28 |
| Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.’ |
| 29 |
| Namazuva awo havangazoti, ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.’ |
| 30 |
| Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake acharwadzira.” |
| 31 |
| “Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha. |
| 32 |
| Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyangwe ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 33 |
| Asi heyi sungano yandichaita neimba yaIsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Ndichaisa murairo wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.’ |
| 34 |
| Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.’ |
| 35 |
| Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyenyedzi zvive chiedza usiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake. |
| 36 |
| Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana VaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi. |
| 37 |
| Zvanzi naJehovha, ‘Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose VaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ |
| 38 |
| “Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuwo rekona. |
| 39 |
| Uye tambo yokuyera nayo ichapfuura ichiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa. |
| 40 |
| Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuwo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/jeremiah/031.mp3
52
31