|
| 1 |
|
| Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti, |
|
| 2 |
|
| “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba nokuisimbisa, Jehovha ndiro zita rake, |
|
| 3 |
|
| ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’ |
|
| 4 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta uye minondo, |
|
| 5 |
|
| mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose. |
|
| 6 |
|
| “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda nokuchengetedzeka. |
|
| 7 |
|
| Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva muutapwa ndivavakezve sepakutanga. |
|
| 8 |
|
| Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira. |
|
| 9 |
|
| Ipapo guta rino richandivigira mbiri, nomufaro, nokurumbidzwa uye kukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa nezvakanaka zvose zvandinoriitira; dzigotya nokudedera pamusoro pokuwanda kwokubudirira norugare rwandinoripa.’ |
|
| 10 |
|
| “Zvanzi naJehovha, ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musingachagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve |
|
| 11 |
|
| manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti, “Vongai Jehovha Wamasimba Ose, nokuti Jehovha akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 12 |
|
| “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo. |
|
| 13 |
|
| Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwunoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 14 |
|
| “ ‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha. |
|
| 15 |
|
| “ ‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi; iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama. |
|
| 16 |
|
| Mumazuva iwayo Judha achaponeswa, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka. Iri ndiro zita rarichatumidzwa: ‘Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’ |
|
| 17 |
|
| Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri, |
|
| 18 |
|
| Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, nokupisa zvipiriso zvezviyo nokugara achipa zvibayiro.’ ” |
|
| 19 |
|
| Shoko raJehovha kuna Jeremia, richiti, |
|
| 20 |
|
| “Zvanzi naJehovha, ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye sungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa, |
|
| 21 |
|
| ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe. |
|
| 22 |
|
| Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’ ” |
|
| 23 |
|
| Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti, |
|
| 24 |
|
| “Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi. |
|
| 25 |
|
| Zvanzi naJehovha, ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi, |
|
| 26 |
|
| ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, naIsaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’ ” |
|
|
|
|