Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore rechipfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, nomwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose ndokurikomba. |
| 2 |
| Zvino negore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa. |
| 3 |
| Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: NerigariSharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda vamambo weBhabhironi, naNerigari-Sharezeri mukuru aiva nechinzvimbo chapamusoro, namamwe machinda ose amambo weBhabhironi. |
| 4 |
| Zedhekia mambo weJudha navarwi vose vakati vavaona, vakatiza; vakabuda muguta usiku vakaenda nenzira yokubindu ramambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri, ndokunanga kuArabha. |
| 5 |
| Asi hondo yavaBhabhironi yakavadzinganisa ndokubatira Zedhekia mumapani eJeriko. Vakamubata ndokumuendesa kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yaHamati kwaakamupa mutongo wake. |
| 6 |
| Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha. |
| 7 |
| Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi. |
| 8 |
| VaBhabhironi vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakakoromora masvingo eJerusarema. |
| 9 |
| Nebhukadhinezari mukuru wehondo yavarindi akaendesa kuBhabhironi vanhu vakanga vasara muguta pamwe chete navaya vakanga vazvipira kwaari uye noruzhinji rwavanhu. |
| 10 |
| Asi Nebhukadhinezari mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda. |
| 11 |
| Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga arayira izvi pamusoro paJeremia kubudikidza naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, achiti, |
| 12 |
| “Mutorei mumuchengete; musamuitira zvakaipa asi mumuitire zvose zvaanokumbira.” |
| 13 |
| Saka Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, naNebhushazibhani mukuru wavaranda, naNerigari-Sharezeri aiva mukuru wen'anga namamwe machinda ose amambo weBhabhironi |
| 14 |
| vakatumira nhume kuti Jeremia abviswe paruvazhe rwavarindi. Vakamuendesa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti vamudzosere kumusha kwake. Saka akaramba agere pakati pavanhu vokwake. |
| 15 |
| Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti, |
| 16 |
| “Enda undoudza EbhedhiMereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako. |
| 17 |
| Asi iwe ndichakurwira pazuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, haungaiswi mumaoko evaunotya. |
| 18 |
| Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/jeremiah/039.mp3
52
39