×

Bhaibhiri Idzva 2008

Jeremiya 39

1
Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhireza mambo weBhabhironi nehondo yake yose vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu vakarikomba.
2
Mugore regumi nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya, mumwedzi wechina pamusi wepfumbamwe wemwedzi iwoyo, rusvingo rweguta rwakapazwa.
3
Jerusaremu payakatorwa, machinda ose amambo weBhabhironi akapinda akagaririra pasuo guru repakati. Paiti mumwe ainzi Nerigarishareza naSamigarinebho uye Sarisikimu jinda guru nomumwe mukuru mukuru anonzi Nerigarishareza mukuru mukuru pamwechete navamwe vakuru vakuru vose vamambo weBhabhironi.
4
Zedhekiya mambo wokwaJudha navarwi vose vehondo pavakazviona vakatiza muguta nousiku nokubindu rokwamambo napasuo rapakati pemasvingo maviri vakananga kuArabhia.
5
Asi hondo yavaKaridhea yakavaronda ikabatira Zedhekiya mumapani okuJeriko. Pavakamubata vakamuuyisa kuna Nebhukadhireza mambo weBhabhironi kuguta reRibhura mudunhu reHamati akabva amutemera chirango ipapo.
6
Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya paRibhura ipapo iye akatarisa. Mambo weBhabhironi akaurayawo vokumbahuru vokwaJudha.
7
Akasvukunura Zedhekiya maziso akamusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi.
8
VaKaridhea vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakapaza masvingo eJerusaremu.
9
Mumwe mukuru wavachengetedzi vokwamambo anonzi Nebhuzaradhani akatapa vanhu vakanga vasara muguta navakanga vatizira kwaari pamwechete navakanga vasina kutizira kwavari vakaenda navo kuBhabhironi.
10
Nabhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo, akasiya munyika yokwaJudha vamwe varombo vasina chavanacho akavapa minda yamagirepisi pamwechete nemimwe minda.
11
Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akatemera Jeremiya chirevo nokuna Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi wokwamambo uya chokuti:
12
“Mutore umuchengete zvakanaka urege kumukuvadza, asi umuitire zvaanenge akutaurira.”
13
Saizvozvowo Nebhuzaradhani, mukuru wavachengetedzi vokwamambo naNebhushazibhana rimwe jinda guru naNegarishareza mumwe mukuru mukuru wacho navatungamiriri vakuru vose vamambo weBhabhironi,
14
vakatuma vanhu vakatora Jeremiya munhandare yavachengetedzi vokwamambo vakamuisa mumaoko maGedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani kuti amuperekedze kumusha. Naizvozvo Jeremiya akandogara hake mukati mavanhu.
15
Shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya paakanga achakapfigirwa munhandare yavachengetedzi vokwamambo richiti,
16
“Enda utaurire Ebhedhimereki uya muItiopia kuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, zvaunoona ini ndichazadzisa shoko rangu randakareva nezveguta rino rokuti zvinhu zviriipire kwete kurinakira. Izvozvo zvichazadziswa iwe uchizviona musi iwoyo.
17
Asi pazuva iroro ini ndichakununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Uye hausi kuzofa wakaiswa mumaoko avarume vauri kutya.
18
Chiripo chaicho ndechokuti ndichatokununura chete uye hausi kuzofa rufu rwebakatwa. Asi uchapunyuka noupenyu hwako nokuti wakavimba neni. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society Of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa