Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Vatungamiriri vose vehondo dzavarwi naJohanani mwanakomana waKarea naJezaniya mwanakomana waHoshaya pamwechete navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye |
| 2 |
| vakaenda kumuporofita Jeremiya vakati kwaari, “Inzwaiwo chichemo chedu mutinamatire kuna Tenzi, Mwari wenyu muchinyengeterera chitsama chavose vakasara ichi (nokuti tangosara tava vashomanana pavazhinji vaya sokutiona kwamuri kungoita nameso enyu) |
| 3 |
| kuitira kuti Tenzi Mwari wenyu atiratidzewo gwara ratinofanira kutevedza uye nezvatinofanira kuti tiite.” |
| 4 |
| Muporofita Jeremiya akavapindura achiti, “Ndazvinzwa! Chionai ndichanamata kuna Tenzi, Mwari wenyu maererano nechichemo chenyu. Mhinduro yose yandinenge ndapiwa naTenzi, ini ndichakutaurirai. Handisi kuzombokuvanzirai kana chinhu.” |
| 5 |
| Ivo ndokuti kuna Jeremiya, “Dai Tenzi angova chapupu chechokwadi chakatendeka kwatiri kana isu tikarega kuita zvose zvinenge zvarehwa naTenzi akutumai kwatiri. |
| 6 |
| Kunyange zvikava zvakanaka kana zvakaipa, chedu isu kuteerera chete izwi raTenzi, Mwari wedu watiri kukutumai kwaari, kuitira kuti zvitinakire patinenge tateerera izwi raTenzi, Mwari wedu.” |
| 7 |
| Kuzoti kwapera gumi ramazuva shoko raTenzi rakauya kuna Jeremiya. |
| 8 |
| Iye akabva adaidza Johanani mwanakomana waKarea navatungamiriri vehondo dzavarwi vaiva naye navanhu vose kubvira kumudukuduku kusvikira kumukuru chaiye akati kwavari, |
| 9 |
| “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri kuya kwamakandituma kundosvitsa chichemo chenyu: |
| 10 |
| ‘Kana mukaramba muri munyika muno iniwo ndichakuvakai ndisingakupazei. Ndichakusimai ndisingakudzipurei nokuti ndinorwadziwa mwoyo nenhamo yandakakupinzai. |
| 11 |
| Regai kutya mambo weBhabhironi wamunodai kudedera. Musambomutya zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti ndinemi kuitira kuti ndikuponesei ndichikununurai mumaoko make. |
| 12 |
| Ndichakunzwirai ngoni kuti iye agokuitiraiwo tsiye nyoro kuti mugare munyika yenyu chaiyo.’ |
| 13 |
| “Asi kana imi mukati, ‘Hatisi kuda kuramba tiri munyika,’ muchiramba kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu muchiti henyu, |
| 14 |
| ‘Kwete isu tichaenda kunyika yeIjipiti kwatisingazoonizve hondo kana kunzwa kurira kwehwamanda kunyange nenzara yechokudya ndokwatichandogara ikoko,’ |
| 15 |
| nezvo imi chitsama chakasara chevokwaJudha chinzwai shoko raTenzi. Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ‘Kana mukava nepfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, |
| 16 |
| bakatwa ramuri kutya richakuwirai ikoko munyika yeIjipiti makaremo, neshangwa yenzara yacho yamuri kuzeza ichatsviriridza kusonana nemi kuIjipiti mufire ikoko. |
| 17 |
| Vanhu vose vanoisa mwoyo papfungwa yokuenda kuIjipiti kundogarako, vachafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda pasina wavo anosara kana anopunyuka rufu kunhamo dzose dzandichavauyisira.’ |
| 18 |
| “Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Sokuviruka kwandakaita ndatsamwa nehasha ndikadziwodzvorera pavagari veJerusaremu, ndokuwodzvorera kwandichakuitirai hasha dzangu kana mukangoenda kuIjipiti. Muchava sendove chinhu chinokatyamadza chine rushamba chiseko zvacho. Nzvimbo ino hamuzombofa makaionazve.’ |
| 19 |
| “Imi chitsama chakasara chovokwaJudha Tenzi ati kwamuri, ‘Regai kuenda kuIjipiti.’ Nyatsozivai kuti nhasi uno ndakuyambirai |
| 20 |
| kuti uku ndokutorasika kwamava kutoita muchida kuzviurayisa henyu. Handiti makandituma kuna Tenzi, Mwari wenyu muchiti, ‘Tinamatirewo kuna Tenzi, Mwari wedu, uye chose zvacho chinenge charehwa naTenzi Mwari wedu tiudze tigozviita.’ |
| 21 |
| Zvino ini nhasi uno ndakutaurirai. Asi imi hamuna kuteerera izwi raTenzi, Mwari wenyu, pazvinhu zvose zvaakandituma kuzokutaurirai. |
| 22 |
| Saka zvino mochinyatsoziva kuti chenyu imi kufa chete nebakatwa neshangwa yenzara nedenda munzvimbo yacho iyoyo kwamuri kurwarira kundogara.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/jeremiah/042.mp3
52
42