Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Shoko romuporofita Jeremiya raakataurira Bharuku mwanakomana waNeriya paakanyora mashoko aya mubhuku achiaudzwa naJeremiya mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha, |
| 2 |
| achiti, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, kwauri iwe Bharuku: |
| 3 |
| wakati iwe, ‘Ndine nhamo ini nokuti Tenzi akawedzera kusuwa pakurwadziwa kwangu. Ndaneta nokugomera kwangu, handiwani zororo.’ |
| 4 |
| Saka taura izvozvo kwaari uchiti, Zvanzi naTenzi, Chinzwa, zvandakavaka zviya ndava kuzozvipaza uye zvandakasima ndava kuzozvidzura zvichireva nyika yose. |
| 5 |
| Imi munozvitsvakira zvinhu zvikuru here? Regai kuzvitsvaka nokuti chionai, ndava kuzounza nhamo kuzvisikwa zvose, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Asi iwe ndichaita kuti upunyuke noupenyu hwako.” |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/jeremiah/045.mp3
52
45