|
| 1 |
|
| Pamusoro pavana vaAmoni. Zvanzi naJehovha, “Ko Isiraeri havana vanakomana here? Havana vagari venhaka here? Ko Marikami wagarireiko nhaka yaGadhi, vanhu vake vanogarirei mumaguta ake? |
|
| 2 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo VaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.’ |
|
| 3 |
|
| Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa; chemai imi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navapristi namachinda ake pamwechete. |
|
| 4 |
|
| Unozvirumbidzireiko pamusoro pamipata, pamusoro pomupata wako unoyerera, iwe mukunda wokudzokera shure, iwe wokuvimba nepfuma yako, uchiti, ‘Ndianiko ungarwa neni?’ |
|
| 5 |
|
| “Tarira, ndichauyisa pamusoro pako kutya vose vanokupoteredza, ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo; muchadzingwa mumwe nomumwe ipo paakatarira, hakuna ungazounganidza vanodzungaira. |
|
| 6 |
|
| “Asi pashure ndichadzosa kutapwa kwavana vaAmoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.” |
|
| 7 |
|
| Pamusoro paEdhomu. Zvanzi naJehovha wehondo, “Ko paTemani hapachina huchenjeri here? Mano arova kuna vakangwara here? Huchenjeri hwavo hwanyangarika here? |
|
| 8 |
|
| Tizai, mudzoke, garai makadzika, imi mugere paDhedhani; nokuti ndichauyisa njodzi yaEsau pamusoro pake nenguva yandichamurova nayo. |
|
| 9 |
|
| Kana vakohwi vamizambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mamwe mazambiringa angazokohiwa here? Kana mbavha dzikasvika usiku havangaparadzi kusvikira varinganwa here? |
|
| 10 |
|
| Ndakafukura Esau, ndazarura nzvimbo dzake dzakavanda, haangagoni kuvanda; vana vake vaparadzwa, nehama dzake nowokwake; iye haachipo. |
|
| 11 |
|
| Siya nherera dzako, ini ndichadziraramisa, chirikadzi dzako ngadzivimbe neni. |
|
| 12 |
|
| “Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, vakanga vasina kufanira kunwa pamukombe, vachanwa zvirokwazvo; ko zvino iwe ndiwe ucharegwa chose usingarohwi here? Haungaregwi usingarohwi, asi uchanwa zvirokwazvo.’ |
|
| 13 |
|
| Nokuti ndakapika neni ndimene, ndizvo zvinotaura Jehovha kuti Bhozira richaitwa chishamiso nechinoshoorwa, nedongo rechinotukwa; maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.” |
|
| 14 |
|
| Ndakanzwa mashoko anobva kuna Jehovha, nhume yakatumwa pakati pamarudzi, ichiti, “Unganai, muuye kuzorwa naro, musimukire kurwa. |
|
| 15 |
|
| Nokuti tarirai, ndakakuita muduku pakati pamarudzi, nounozvidzwa pakati pavanhu. |
|
| 16 |
|
| Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza kwomwoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyangwe ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 17 |
|
| “Edhomu vachaitwa chishamiso, mumwe nomumwe unopfuura napo uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko avo ose. |
|
| 18 |
|
| Sapakutsindikirwa kweSodhoma neGomora namamwe maguta akanga ari pedyo hakuna munhu uchagaramo, hakuna Mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa. |
|
| 19 |
|
| Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani? |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro paEdhomu, nemifungo yake yaakafunga pamusoro pavagere paTemani. Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo. |
|
| 21 |
|
| “Nyika inodedera nokuda kwomubvumo wokuwira kwavo pasi; kuchema kuripo kunonzwika kusvikira kuGungwa Dzvuku. |
|
| 22 |
|
| Tarirai, uchakwira achibhururuka segondo, uchatambanudzira mapapiro ake kuzorwa neBhozira, nezuva iro mwoyo yemhare dzaEdhomu ichaita somwoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.” |
|
| 23 |
|
| “Pamusoro peDhamasikosi. Hamati ranyadziswa, neAripadhi, nokuti akanzwa mashoko akaipa, akanyauka; kutambudzika kuripo pagungwa, harigoni kuzorora. |
|
| 24 |
|
| Dhamasikosi rapera simba, rakatendeukira kutiza, rakabatwa nokudedera; rakabatwa nokurwadziwa nokuchema somukadzi unosurumuka. |
|
| 25 |
|
| “Haiwa, guta rairumbidzwa rakasiyiwa sei, iro guta romufaro wangu? |
|
| 26 |
|
| “Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, varwi vose vachanyarara nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 27 |
|
| Ndichabatidza moto murusvingo rweDhamasikosi, uchaparadza dzimba dzoushe dzaBhenihadhadhi.” |
|
| 28 |
|
| Pamusoro paKedhari napamusoro poushe hweHazoru hwakakundwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi. Zvanzi naJehovha, “Simukai, muende kuna Kedhari, mundoparadza vanhu vokumabvazuva. |
|
| 29 |
|
| Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, ‘Zvinotyisa zviripo kumativi ose!’ |
|
| 30 |
|
| “Tizai, endai kure, garai makadzika, imi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhineza mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa. |
|
| 31 |
|
| Simukai, muende kundorwa norudzi rwakazorora, runogara rusina hanya, ndizvo zvinotaura Jehovha; rusina masuwo kana zvipfigiso, runogara rwoga. |
|
| 32 |
|
| Makamera avo achatapwa nezvipfuo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 33 |
|
| “Hazori huchava hugaro hwamakava, nedongo nokusingaperi; hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.” |
|
| 34 |
|
| Shoko raJehovha, rakasvika kumuporofita Jeremiya pamusoro paEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekiya mambo waJudha, richiti, |
|
| 35 |
|
| “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Tarirai, ndichavhuna huta hwaEramu, icho chinhu chikuru chesimba ravo. |
|
| 36 |
|
| Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.’ |
|
| 37 |
|
| “Ndichavhundusa Eramu pamberi pavavengi vavo napamberi pavanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa zvakaipa pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kukuru, ndizvo zvinotaura Jehovha; ndichatuma munondo uvateverere kusvikira ndavapedza. |
|
| 38 |
|
| Ndichaisa chigaro changu choushe maEramu, ndiparadze mambo namachinda vabvepo ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 39 |
|
| Asi namazuva okupedzisira ndichadzosazve kutapwa kwaEramu, ndizvo zvinotaura Jehovha.” |
|
|
|
|