|
| 1 |
|
| Shoko, rakataurwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, napamusoro penyika yavaKaradhia nomuporofita Jeremiya. |
|
| 2 |
|
| “Paridzirai pakati pamarudzi, muzvizivise, musimudze mureza, muzvizivise, murege kuvanza, muti, ‘Bhabhironi rakundwa, Bheri wanyadziswa, Merodhaki wavhunduswa; zvifananidzo zvavo zvanyadziswa, matanda avo avhunika.’ |
|
| 3 |
|
| “Nokuti rudzi ruriko runobva kurutivi rwomusoro kuzorwa naro, ruchaita nyika yaro dongo, hakuna uchagaramo; vatiza, vaenda, vanhu nezvipfuo. |
|
| 4 |
|
| “Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana VaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo. |
|
| 5 |
|
| Vachabvunza Zioni, vakaringira zviso zvavo ikoko, vachiti, ‘Uyai tizviise kuna Jehovha nesungano isingaperi, isingakanganikwi.’ |
|
| 6 |
|
| “Vanhu vangu akanga ari makwai akarashika, vafudzi vavo vakavarashisa, vakavatsausira kumakomo, vakafamba vachibva kumakomo vachienda kuzvikomo, vakakanganwa nzvimbo yavo yokuzorora. |
|
| 7 |
|
| “Vose vaivawana vaivadya, navadzivisi vavo vaiti, ‘Hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, ihwo hugaro hwokururama, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’ |
|
| 8 |
|
| Tizai mubve pakati peBhabhironi, budai panyika yavaKaradhia, muve senhongo pamberi pamapoka amakwai. |
|
| 9 |
|
| “Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata. |
|
| 10 |
|
| Nyika yeKaradhia ichava chinhu chakapambwa; vose vanoipamba vachaguta ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 11 |
|
| “Kunyangwe makafara, kunyangwe muchifarisisa, iyemi munoparadza nhaka yangu, kunyangwe muchikwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza ane simba, |
|
| 12 |
|
| mai venyu vachanyadziswa kwazvo, ivo vakakuberekai vachakanganiswa; tarirai, vachava rudzi ruri shure kwaose, nesango, nenyika yakaoma, nerenje. |
|
| 13 |
|
| Nemhaka yokutsamwa kwaJehovha haringagarwi, asi richava dongo chose; mumwe nomumwe unopfuura napaBhabhironi uchashamiswa, ucharidza muridzo pamusoro pamatambudziko aro ose. |
|
| 14 |
|
| “Muzvigadzire imi mose munofura nohuta kuzorwa neBhabhironi kumativi ose, rifurei, regai kuchengeta miseve, nokuti rakatadzira Jehovha. |
|
| 15 |
|
| Pururudzai kumativi aro ose, razvirega, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromorwa; nokuti ndiko kutsiva kwaJehovha; zvitsivei pamusoro paro, sezvarakaita muriitirewo. |
|
| 16 |
|
| Paradzai mudyari paBhabhironi, naiye unobata nejeko panguva yokucheka; nemhaka yokutya munondo unomanikidza, mumwe nomumwe uchatendeukira kunowokwake, mumwe nomumwe uchatizira kunyika yake. |
|
| 17 |
|
| “Isiraeri igwai rakadzingwa–dzingwa, shumba dzakaridzinga; pakutanga mambo weAsiria wakamudya, zvino pakupedzisira Nebhukadhineza mambo weBhabhironi wakavhuna mapfupa ake. |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Tarirai, ndicharova mambo weBhabhironi nenyika yake, sezvandakarova mambo weAsiria. |
|
| 19 |
|
| Ndichadzosera Isiraerizve kumafuro avo, vachafura paKarimeri napaBhashani, mweya wavo uchagutiswa pazvikomo zvaEfuremu napaGiriadhi.’ |
|
| 20 |
|
| Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakasiya. |
|
| 21 |
|
| “Endai mundorwa nenyika yeMerataimu, murwe nayo uye navagere Pekodhi; urayai, muparadze chose zviri shure kwavo, muite zvose zvandakakurairai ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 22 |
|
| Mubvumo wokurwa uri munyika, nowokuparadza kukuru. |
|
| 23 |
|
| Nyundo yenyika yose yagurwa–gurwa nokuvhuniwa sei! Bhabhironi rava dongo sei pakati pamarudzi! |
|
| 24 |
|
| Ndakakuteyera musungo, ukabatwawo, iwe Bhabhironi, ukasazviziva; wakawanikwa, ukabatwawo, nokuti wakarwa naJehovha. |
|
| 25 |
|
| Jehovha akazarura chivigiro chepfuma yake, akabudisa nhumbi dzokurwa dzokutsamwa kwake, nokuti Ishe Jehovha wehondo une basa raanofanira kubata panyika yavaKaradhia. |
|
| 26 |
|
| Uyai murwe nayo muchibva kumativi ose, zarurai matura aro, muite mirwi, muriparadze chose, regai kusiya chinhu charo. |
|
| 27 |
|
| Urayai nzombe dzaro dzose, ngadziburukire kundourayiwa. Vane nhamo, nokuti zuva ravo rasvika, iyo nguva yokurohwa kwavo. |
|
| 28 |
|
| “Inzwai izwi ravanotiza navanopukunyuka panyika yeBhabhironi, kundoparidzira paZioni kutsiva kwaJehovha Mwari wedu, iko kutsiva kwetemberi yake. |
|
| 29 |
|
| “Kokerai vafuri varwe neBhabhironi, ivo vose vanofura nohuta; rikomberedzei nemisasa yenyu yokurwa, kurege kuva nomumwe unopukunyuka; muritsive parakabata napo, zvose zvarakaita iro muriitire saizvozvo nokuti rakaita manyawi pamberi paJehovha, pamberi poMutsvene waIsiraeri. |
|
| 30 |
|
| Naizvozvo majaya aro achawira pasi munzira dzaro, navarwi varo vose vachanyarara nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 31 |
|
| “Tarira, ndine mhosva newe, iwe wokuzvikudza, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha wehondo; nokuti zuva rako rasvika, nguva yandichakurova nayo. |
|
| 32 |
|
| Unozvikudza uchagumburwa nokuwira pasi, hakuna ungamusimudza; ini ndichabatidza moto mumaguta ake, uchapedza vose vakamupoteredza. |
|
| 33 |
|
| “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Vana VaIsiraeri navana vaJudha vakamanikidzwa pamwechete; vose, vakavatapa, vakavabata, vanoramba kuvaregedza.’ |
|
| 34 |
|
| Asi Mudzikinuri wavo une simba, Jehovha wehondo ndiro zita rake; iye uchavareverera mhaka yavo kwazvo, kuti azorodze nyika, nokushaisa vagere Bhabhironi zororo. |
|
| 35 |
|
| Munondo uri pamusoro pavaKaradhia, napamusoro pavagere Bhabhironi, napamusoro pamachinda aro, napamusoro pavachenjeri varo ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 36 |
|
| Munondo uri pamusoro pavana manyawi, vachava mapenzi; munondo uri pamusoro pemhare dzaro, vachavhunduka. |
|
| 37 |
|
| Munondo uri pamusoro pamabhiza avo, napamusoro pengoro dzavo, napamusoro pavanhu vose vakavengana mukati maro, vachava savakadzi; munondo uri pamusoro pepfuma yaro, ichapambwa. |
|
| 38 |
|
| Kuoma kuri pamusoro pemvura yaro, ichapwa; nokuti inyika yemifananidzo yakavezwa, vanopengera zvifananidzo. |
|
| 39 |
|
| “Naizvozvo zvikata zvamarenje zvichagaramo, pamwechete namapere, nemhou dzichagaramo; hapangazogarwi nokusingaperi, hakuna ungagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi. |
|
| 40 |
|
| “Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa. |
|
| 41 |
|
| “Tarirai, rudzi rwavanhu runobva kurutivi rwokumusoro, rudzi rukuru namadzimambo mazhinji achamutswa abve kumigumo yenyika. |
|
| 42 |
|
| “Vakabata huta nepfumo, vane hasha, havane nyasha; mazwi avo anotinhira segungwa, vakatasva mabhiza, mumwe nomumwe wakashongedzwa somurwi, kuzorwa newe, iwe mukunda weBhabhironi. |
|
| 43 |
|
| Mambo weBhabhironi wakanzwa guhu ravo, maoko ake akashaiwa simba, wabatwa nokutambudzika nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka. |
|
| 44 |
|
| “Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani? |
|
| 45 |
|
| Naizvozvo chinzwai chirevo chaJehovha chaakatema pamusoro peBhabhironi, nemifungo yake yaakafunga pamusoro penyika yavaKaradhia, ‘Zvirokwazvo vachavakwekweredza, ivo vaduku vamapoka avo; zvirokwazvo mafuro avo achashamiswa pamusoro pavo. |
|
| 46 |
|
| Nyika inodedera nomubvumo wokukundwa kweBhabhironi, kuchema kunonzwika pakati pamarudzi ose.’ ” |
|
|
|
|