|
| 1 |
|
| “Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini! Tizai mubve muJerusarema! Ridzai hwamanda muTekoa! Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti-Hakeremu! Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa. |
|
| 2 |
|
| Ndichaparadza mwanasikana weZioni, akanakisa uye anoyevedza. |
|
| 3 |
|
| Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kwaari; vachadzika matende avo vakamukomba, mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.” |
|
| 4 |
|
| Gadzirirai kurwa naye! Simukai, ngatimurwisei masikati! “Asi, yowe-e, zuva rovira, uye mimvuri yamadekwana yoreba. |
|
| 5 |
|
| Naizvozvo simukai, ngatimurwisei usiku, uye tiparadze nhare dzake!” |
|
| 6 |
|
| Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Temerai miti pasi, mugovakira Jerusarema mirwi yokurikomba. Guta iri rinofanira kurangwa; rizere nokumanikidza. |
|
| 7 |
|
| Setsime rinoeredza mvura yaro, saizvozvo Jerusarema rinodurura zvakaipa zvaro. Kuita nechisimba nokuparadza zvinonzwika mariri, kurwara kwaro namavanga zvinoramba zviri pamberi pangu. |
|
| 8 |
|
| Inzwa yambiro, iwe Jerusarema, kuti ndisakufuratira ndikaita nyika yako dongo, kuti isava nomunhu angagara mairi.” |
|
| 9 |
|
| Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ngavatanhe zvakasara zvaIsraeri vatanhe zvachose samazambiringa; utambanudzirezve ruoko rwako kumatavi, sezvinoita munhu anounganidza mazambiringa.” |
|
| 10 |
|
| Ndingataura naaniko andingayambira? Ndianiko achandinzwa? Nzeve dzavo dzakadzivirwa kuti varege kunzwa. Shoko raJehovha chigumbuso kwavari; havawani mufaro mariri. |
|
| 11 |
|
| Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; vose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera. |
|
| 12 |
|
| Dzimba dzavo dzichapiwa vamwe, vakadzi vavo pamwe chete neminda yavo navakadzi vavo, pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro pavagere panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 13 |
|
| “Kubva kumudiki kusvikira kuvakuru, vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista zvimwe chetezvo, vose vanoita zvokunyengera. |
|
| 14 |
|
| Vanosunga ronda ravanhu vangu sokunge vasina kukuvara zvikuru. Vanoti, ‘Rugare, rugare,’ ipo pasina rugare. |
|
| 15 |
|
| Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” Ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 16 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Mirai pamharadzano dzenzira muone; mubvunze nzira dzekare, mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi, ipapo muchawana zororo romweya yenyu. Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’ |
|
| 17 |
|
| Ndakagadza nharirire pamusoro penyu ndikati, ‘Teererai inzwi rehwamanda!’ Asi imi makati, ‘Hatizoteereri.’ |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo inzwai, imi Israeri, nemi zvapupu, cherechedzai zvichaitika kwavari. |
|
| 19 |
|
| Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu. |
|
| 20 |
|
| Ndine hanya yeiko nezvinonhuwira zvinobva kuShebha, kana karamisi inotapira inobva kunyika iri kure? Zvipiriso zvenyu zvinopiswa handizvidi; zvibayiro zvenyu hazvindifadzi.” |
|
| 21 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Ndichaisa zvipinganidzo pamberi pavanhu ava. Madzibaba navanakomana vachagumburwa nazvo pamwe chete, vavakidzani neshamwari vachaparara.” |
|
| 22 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Tarirai, hondo iri kuuya kubva kunyika yokumusoro; rudzi rukuru rwuri kumutswa kubva kumigumo yenyika. |
|
| 23 |
|
| Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa somutinhiro wegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.” |
|
| 24 |
|
| Takanzwa guhu ravo, uye maoko edu oshayiwa simba. Tabatwa nokurwadziwa, kurwadziwa kwakaita sokwomukadzi ari kusununguka. |
|
| 25 |
|
| Regai kuenda kumunda, kana kufamba mumigwagwa, nokuti muvengi ano munondo, uye kumativi ose kune zvinotyisa. |
|
| 26 |
|
| Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo. |
|
| 27 |
|
| “Ndakakuita muedzi wamatare navanhu vangu mhangura, kuti ucherechedze nokuedza nzira dzavo. |
|
| 28 |
|
| Vose vamukiri vakaoma mwoyo, vanongofamba-famba vachiita makuhwa. Ivo indarira nesimbi; vose vanoita zvakaora. |
|
| 29 |
|
| Mvuto inovhutira zvinotyisa kuti ipise mutobvu nomoto, asi kunatswa kunongova pasina; nokuti vakaipa havangabviswi. |
|
| 30 |
|
| Vanonzi sirivha yakarambwa, nokuti Jehovha akavaramba.” |
|
|
|
|