|
| 1 |
|
| Shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti, |
|
| 2 |
|
| “Mira pasuwo reimba yaJehovha, uparidzirepo shoko iri, uti, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi vaJudha mose munopinda napamasuwo aya kuzonamata Jehovha.’ |
|
| 3 |
|
| “Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Ruramisai nzira dzenyu nezvamunoita, ndigokugarisai panzvimbo ino.’ |
|
| 4 |
|
| Musavimba namashoko enhema, ‘Izvezvi itemberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha.’ |
|
| 5 |
|
| “Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kuno wokwake. |
|
| 6 |
|
| “Kana musingamanikidzi mutorwa, nenherera, nechirikadzi, mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, nokusatevera vamwe vamwari, vanokuisai panjodzi; |
|
| 7 |
|
| ipapo ndichakugarisai panzvimbo ino, panyika yandakapa madzibaba enyu, kubvira panguva yakare kusvikira nokusingaperi. |
|
| 8 |
|
| “Tarirai, munovimba namashoko enhema, asingagoni kubatsira. |
|
| 9 |
|
| Mungaba, nokuuraya, nokuita hupombwe, nokupika nhema, nokupisira Bhaari zvinonhuwira, nokutevera vamwe vapirwa vamakanga musingazivi, |
|
| 10 |
|
| ndokuzouya momira pamberi pangu muimba ino, panodanwa zita rangu, muchiti, ‘Tasunungurwa;’ kuti mugoita izvi zvose zvinonyangadza here? |
|
| 11 |
|
| Ko imba ino panodanwa zita rangu rava bako ramakororo pamberi penyu here? Tarirai, ini, ini ndimene ndaona izvozvo ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 12 |
|
| Asi zvino endai kunzvimbo yangu yaiva paShiro, pandakagarisa zita rangu pakutanga, muone zvandakaiitira nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Isiraeri. |
|
| 13 |
|
| Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura. |
|
| 14 |
|
| “Naizvozvo ndichaitira imba panodanwa zita rangu, yamunovimba nayo, nenzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu, sezvandakaitira Shiro. |
|
| 15 |
|
| Ndichakurashirai kure neni, sezvandakarasha hama dzenyu dzose, irwo rudzi rwose rwaEfuremu.” |
|
| 16 |
|
| “Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava, usadanidzira nokunyengetera nokuda kwavo, kana kuvakumbira kwandiri; nokuti handingakunzwi. |
|
| 17 |
|
| Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu here? |
|
| 18 |
|
| Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, vakadzi vanokanya hupfu kuti vabikire vahosi vokudenga zvingwa, uye kuti vadirire vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise. |
|
| 19 |
|
| Vanonditsamwisa here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; havainozvinetsa havo, vachingozvinyadzisa havo? |
|
| 20 |
|
| Saka zvanzi naJehovha Mwari, ‘Tarirai, kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa panzvimbo ino, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuo, napamusoro pemiti yokubundo, napamusoro pezvibereko zvenyika; zvichapfuta, zvisingadzimwi.’ ” |
|
| 21 |
|
| Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, “Wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pazvibairo zvenyu, mudye nyama yazvo. |
|
| 22 |
|
| Nokuti handina kutaura namadzibaba enyu, kana kuvaraira panguva yandakavabudisa panyika yeIjipiti pamusoro pezvipiriso zvinopiswa kana zvibairo; |
|
| 23 |
|
| asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, ‘Teererai izwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.’ |
|
| 24 |
|
| Asi havana kuteerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakafamba nokurangarira kwavo nohukukutu hwemwoyo yavo, vakadzokera shure; havana kupfuura mberi. |
|
| 25 |
|
| Kubvira pazuva rokubuda kwamadzibaba enyu munyika yeIjipiti, kusvikira pazuva ranhasi, ndakakutumirai varanda vangu vose vaporofita, ndichifumira mangwanani zuva rimwe nerimwe ndichivatuma; |
|
| 26 |
|
| kunyangwe zvakadaro, havana kunditeerera, kana kurerekera nzeve dzavo, asi vakaomesa mitsipa yavo; vakaita zvakaipa kukunda madzibaba avo. |
|
| 27 |
|
| “Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakutereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri. |
|
| 28 |
|
| Zvino iwe uti kwavati, ‘Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.’ |
|
| 29 |
|
| “Veura hukomba hwako, iwe Jerusaremu, uhurashire kure; undochema pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akarasha nokusiya rudzi rwaakatsamwira. |
|
| 30 |
|
| “Nokuti vana vaJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakaisa zvinonyangadza zvavo muimba pakadanwa zita rangu, kuti vaisvibise ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 31 |
|
| Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomu, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumwoyo mangu. |
|
| 32 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anouya, avasingazopaidzi Tofeti, kana mupata womwanakomana waHinomu, asi Mupata wokuuraya; nokuti vachaviga vakafa paTofeti, nokuti kuchashaikwa imwe nzvimbo.’ |
|
| 33 |
|
| Mitumbu yavanhu ava zvichava zvokudya zveshiri dzokudenga nezvezvikara zvenyika; hakuna uchazvidzinga. |
|
| 34 |
|
| Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu izwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo. |
|
|
|
|