|
| 1 |
|
| Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu. |
|
| 2 |
|
| Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo mugwenga yokugara yavafambi, kuitira kuti ndisiye vanhu vangu ndiende kure navo; nokuti vose imhombwe, ungano yavanhu vasina kutendeka. |
|
| 3 |
|
| “Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 4 |
|
| “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa. |
|
| 5 |
|
| Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa. |
|
| 6 |
|
| Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, ndichavanatsa nokuvaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu? |
|
| 8 |
|
| Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomusoro wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kuno wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo. |
|
| 9 |
|
| Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?” |
|
| 10 |
|
| Ndichachema nokuungudza nokuda kwamakomo, uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga. Aparara uye hakuna anofambako, uye kukuma kwemombe hakunzwiki. Shiri dzedenga dzatiza, uye mhuka dzaenda. |
|
| 11 |
|
| Ndichaita Jerusarema murwi wedongo, panogara makava; uye ndichaparadza maguta eJudha, kuti kurege kuva nomunhu anogarako.” |
|
| 12 |
|
| Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo? |
|
| 13 |
|
| Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo; havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu. |
|
| 14 |
|
| Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.” |
|
| 15 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura. |
|
| 16 |
|
| Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.” |
|
| 17 |
|
| Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye; danai vanogonesesa pakati pavo. |
|
| 18 |
|
| Ngavakurumidze kuuya vagochema pamusoro pedu kusvikira maziso edu ayerera misodzi, nzizi dzoyerera mumaziso edu. |
|
| 19 |
|
| Maungira okuchema anonzwika kubva Zioni achiti: ‘Haiwa taparadzwa sei! Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei! Tinofanira kusiya nyika yedu nokuti dzimba dzedu ava matongo.’ ” |
|
| 20 |
|
| Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha; dziurirai nzeve dzenyu kumashoko omuromo wake. dzidzisai vanasikana venyu kuungudza; dzidzisanai kuchema. |
|
| 21 |
|
| Rufu rwakawira napamawindo edu uye rwapinda munhare dzedu; rwauraya vana mumigwagwa namajaya ari munzira dzeguta. |
|
| 22 |
|
| Uti, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvitunha zvavanhu zvichavata somupfudze uri pamusoro pomunda, sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki, zvisina achazviunganidza.’ ” |
|
| 23 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake, kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake, kana akapfuma pamusoro pepfuma yake, |
|
| 24 |
|
| Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi: kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini, kuti ndini Jehovha, anoita unyoro, nokukururamisira, nokururama panyika, nokuti ndinofarira izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 25 |
|
| “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete, |
|
| 26 |
|
| Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.” |
|
|
|
|