|
| 1 |
|
| Haiwa, goridhe rasviba sei, goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! Matombo matsvene aparadzirwa kumusoro kwenzira imwe neimwe. |
|
| 2 |
|
| Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari! |
|
| 3 |
|
| Kunyange makava anopa mazamu awo kuti anwise vana vawo, asi vanhu vangu vava vasina hanya seshiri dzemhou dziri mugwenga. |
|
| 4 |
|
| Nokuda kwenyota rurimi rwomwana mucheche runonamira mumukanwa make; vana vanopemha chingwa, asi hakuna anovapa. |
|
| 5 |
|
| Avo vaisidya zvinonaka vava vapemhi mumugwagwa. Avo vakarerwa vachifuka nguo dzepepuru zvino vava kuvata pamadurunhuru edota. |
|
| 6 |
|
| Kurangwa kwavanhu vangu kukuru kupinda kweSodhomu, rakaparadzwa pakarepo pasina ruoko rwakadzoka kuzoribatsira. |
|
| 7 |
|
| Machinda avo aipenya kupfuura chando, uye akanga akachena kupfuura mukaka, miviri yavo yakanga yakatsvuka kupfuura matombo anokosha amarubhi, kuratidzika kwavo kwakaita sokwesafiri. |
|
| 8 |
|
| Asi zvino vasviba kupfuura chin'ai; hapana angavaziva mumigwagwa. Ganda ravo ranamira pamapfupa avo; raoma kufanana sedanda. |
|
| 9 |
|
| Avo vakaurayiwa nomunondo vari nani pane avo vanourayiwa nenzara; vabayiwa nenzara, vaonda kwazvo nokuda kwokushayiwa zvokudya zvinobva muminda. |
|
| 10 |
|
| Namaoko avo vakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo, vakava zvokudya zvavo, pakaparadzwa vanhu vangu. |
|
| 11 |
|
| Jehovha akaratidza kutsamwa kwake kwose; akadurura hasha dzake dzinotyisa. Akabatidza moto paZioni akapisa nheyo dzaro. |
|
| 12 |
|
| Madzimambo enyika haana kutenda, kunyange navanhu vose vagere panyika, kuti vavengi vangapinda pamasuo eJerusarema. |
|
| 13 |
|
| Zvakaitika nokuda kwezvivi zvavaprofita varo uye nokuda kwezvakaipa zvavaprista varo, vakateura ropa ravakarurama mukati maro. |
|
| 14 |
|
| Vanodzungaira munzira dzaro samapofu. Vakasvibiswa neropa zvokuti hapana angada kubata nguo dzavo. |
|
| 15 |
|
| Vanhu vanodanidzira kwavari vachiti, “Ibvai! Hamuna kuchena! Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo, vanhu pakati pendudzi vanoti, “Havangarambi vachigara pano.” |
|
| 16 |
|
| Kutsamwa kwaJehovha kwavaparadzira; haachavachengetedza. Havana kukudza uprista, uye havana kuremekedza vakuru. |
|
| 17 |
|
| Meso edu oonera madzerere, tichitarisira rubatsiro rusingauyi; tiri pashongwe dzedu takatarisira rudzi rwaizotiponesa. |
|
| 18 |
|
| Vanhu vakatitevera kwose kwatakaenda, zvokuti takatadza kufamba munzira dzedu chaidzo. Magumo edu akanga ava pedyo, mazuva edu apera, nokuti magumo akanga asvika. |
|
| 19 |
|
| Vaitidzinganisa vaimhanya kupfuura makondo okudenga; vakatidzinganisa napamusoro pamakomo uye vakatigaririra murenje. |
|
| 20 |
|
| Muzodziwa waJehovha, iwo mweya wedu wokufema chaiwo, akanga abatwa mumisungo yavo. Takafunga kuti mumumvuri wake taizorarama pakati pendudzi. |
|
| 21 |
|
| Pembera ufare, iwe Mwanasikana weEdhomu, iwe unogara munyika yeUzi. Asi newewo uchapiwa mukombe uyu; uchadhakwa uye uchazvibvisa nguo. |
|
| 22 |
|
| Iwe, Mwanasikana weZioni, kurangwa kwako kuchaguma; Asi, iwe Mwanasikana weEdhomu, acharanga chivi chako agoratidza kuipa kwako. |
|
|
|
|