Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, muone kushorwa kwedu. |
| 2 |
| Nhaka yedu yaenda kuvatorwa, nedzimba dzedu kune vokumwe. |
| 3 |
| Tiri nherera navasina baba; madzimai edu akaita sechirikadzi. |
| 4 |
| Takanwa mvura yedu tichiita zvokutenga nemari; huni dzedu takadzitengeserwa. |
| 5 |
| Vanodzingana nesu vari pamitsipa yedu; taneta hatine zororo. |
| 6 |
| Takatambanudzira ruoko rwedu kuna vaIjipiti, nokuna vaAsiria, kuti tigute zvokudya. |
| 7 |
| Madzibaba edu akatadza, zvino havachipo; isu takatakura zvakaipa zvavo. |
| 8 |
| Varanda vanotibata ushe, hakuna angatirwira pamaoko avo. |
| 9 |
| Tinozviwanira zvokudya zvedu upenyu hwedu huri panjodzi, nemhaka yomunondo uri kurenje. |
| 10 |
| Ganda redu rasviba sechoto, nemhaka yokupisa kukuru kwenzara. |
| 11 |
| Vakachinyira vakadzi paZioni, nemhandara pamaguta aJudha. |
| 12 |
| Machinda akasungirirwa namaoko avo, vakuru havana kukudzwa. |
| 13 |
| Majaya akatakura guyo, vana vakagumburwa nokurema kwehuni. |
| 14 |
| Vakuru vakarega kusvika pasuwo, majaya akarega kuimba kwavo. |
| 15 |
| Mufaro womwoyo wedu waguma; kutamba kwedu kwashanduka kuchema. |
| 16 |
| Korona yawa pamisoro yedu; tine nhamo! Nokuti takatadza. |
| 17 |
| Nemhaka iyi mwoyo yedu yapera simba; nemhaka yezvinhu izvi meso edu haachaoni zvakanaka; |
| 18 |
| nokuda kwegomo reZioni, rava dongo; makava anofambapo. |
| 19 |
| Imi Jehovha muripo nokusingaperi; chigaro chenyu choushe chiripo kusvikira kumarudzi namarudzi. |
| 20 |
| Munotikanganwireiko nokusingaperi, munotirasireiko nguva huru yakadai? |
| 21 |
| Tidzoserei kwamuri, Jehovha, ipapo tichadzoka; vandudzai mazuva edu ave sakare. |
| 22 |
| Asi makatirasa chose here? Makatitsamwira zvikuru here? |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/lamentations/005.mp3
5
5