Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Ndakazotarisa ndikaona katenga kaiva nechepamusoro pamakerubhu. Nechepamusoro pawo pakaonekwa chakaita sebwe rakakosha resafaya chakaita sechigaro choumambo. |
| 2 |
| Akabva ati kumunhu akanga akapfeka rineni uya, “Enda pakati pamavhiri ari kutendereka pasi pemakerubhu uzadze zvanza zvako namazimbe ari kunjenjema moto ari pakati pamakerubhu uamwaye pamusoro peguta.” Akapinda ndakatarisa. |
| 3 |
| Izvozvo makerubhu aiva amire kumaodzanyemba kwemba iyoyo pakapindamo munhu uya; gore rakazadza nhandare iya yomukatikati. |
| 4 |
| Ipapo kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakasumuka mudenga kukabva pamakerubhu kukaenda kumusuo kwemba iyoyi, imba iyi yakazara gore uye nhandare ikazara nokupenya kwokuvapo kwaTenzi. |
| 5 |
| Kubhabhama kwamapapiro amakerubhu kwainzwika kusvikira kunhandare yokunze zvichiita sezwi raiye Aripagomo paanenge otaura. |
| 6 |
| Paakaudza munhu uya akanga akapfeka rineni kuti, tora moto pakati pamavhiri arikutenderera pakati pamakerubhu, akaenda akamira munyasi memavhiri. |
| 7 |
| Pakati pemakerubhu, rimwe racho rakatambanudzira ruoko rwaro kumoto waiva pakati pemakerubhu rikatora mumwe moto rouisa mumaoko momurume uya akanga akapfeka rineni. Iye akautora akabuda. |
| 8 |
| Makerubhu aive nechimwe chainge ruoko rwomunhu pasi pemapapiro awo. |
| 9 |
| Zvino ndakatarisa onei paiva namavhiri mana pedyo namakerubhu iwayo, vhiri rimwechete riri parutivi pekerubhu kutarisika kwamavhiri iwayo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. |
| 10 |
| Mamiriro aakanga akaita ndeaya aya, ari mana kudaro, akanga akafanana aivawo akaita sevhiri mukati merimwe vhiri. |
| 11 |
| Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo achienda asingatendeuki. Asi aiti kwainge kwangonangwa nevhiri remberi mamwe ose aibva atevera achienda asingatendeuki. |
| 12 |
| Muviri wawo wose nemisana yazvo namaoko azvo namapapiro awo namavhiri azvo zvakanga zvakazara namaziso kutenderera mavhiri iwayo aivawo nawo pahuna hwawo. |
| 13 |
| Zvino mavhiri iwayo ndakanzwa achidaidzwa kunzi kuvhiririka. |
| 14 |
| Kerubhu rimwe nerimwe rakanga riine zviso zvina, uso hwokutanga huri uso hwekerubhu, hwechipiri hwaiva uso hwomunhu, hwetatu huri uso hweshumba, hwechina hwacho huri uso hwegondo. |
| 15 |
| Ipapa makerubhu akakwira mudenga, iwaya akanga ari iwo makerubhu aya andakaona kurwizi rweKebhari. |
| 16 |
| Zvino makerubhu paaifamba, mavhiri aifamba ari pamativi awo. Painge makerubhu asumudza mapapiro awo kuti akwire mudenga achibva pasi, mavhiri haaimbobva parutivi. |
| 17 |
| Hwaingova hwese, achiti akati mbikiti akamira, mavhiri amirawo. Paaikwira mudenga, mavhiri aibva akwirawo mudenga nawo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu zviya wakanga uri maari. |
| 18 |
| Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwazobva kumusuo kwemba kukandomira pamusoro pamakerubhu. |
| 19 |
| Makerubhu ndokubva asumudza mapapiro awo akakwira mudenga kubva pasi ndichiona achienda kudaro aine mavhiri parutivi pawo akasvikomira pamusuo weSuo Guru rokumabvazuva remba yaTenzi kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwaiva pamusoro pazvo. |
| 20 |
| Ndicho chisikwa chipenyu chiya chandakamboona ichochi ichi nechepasi paMwari weIsiraeri pedyo nerwizi rwaKebhari nezvo ndakabva ndaziva kuti makerubhu aya. |
| 21 |
| Kerubhu rimwe nerimwe raiva nouso huna uye rimwe nerimwe riine mapapiro mana. Pasi pemapapiro awo paiva nezvainge maoko omunhu. |
| 22 |
| Zvino kufanana kwouso hwawo, hwakanga hwakangoita sehwandakaona chaihwo pedyo norwizi rwaKebhari. Zvaifamba zvakananga pazvakananga chete. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/ezekiel/010.mp3
48
10