|
| 1 |
|
| Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu. |
|
| 2 |
|
| Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanofunga zvakaipa, vanorayirira mano akaipa muguta rino; |
|
| 3 |
|
| vanoti, `Nguva ichigere kuswedera yokuvaka dzimba, guta igate, isu tiri nyama.' |
|
| 4 |
|
| "Naizvozvo chivaporofitira, Mwanakomana womunhu, chiporofita." |
|
| 5 |
|
| Ipapo Mweya waJehovha wakawira pamusoro pangu, akati kwandiri, "Taura, uti, `Zvanzi naJehovha, ndizvo zvamakataura, imwi imba yaIsiraeri; nokuti ndinoziva zvamunofunga mundangariro dzenyu. |
|
| 6 |
|
| Makawanza vamakauraya muguta rino, makazadza nzira dzaro navakaurawa.' |
|
| 7 |
|
| "Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imwi muchabudiswa mukati maro. |
|
| 8 |
|
| Makatya munondo; ini ndichauyisa munondo pamusoro penyu,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
| 9 |
|
| Ini ndichakubudisai mukati maro, ndichakuisai mumaoko avatorwa, ndichaita zvandakatonga pakati penyu. |
|
| 10 |
|
| "Muchaurawa nomunondo; ndichakutongai munyika yaIsiraeri, zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.- |
|
| 11 |
|
| Guta rino haringavi gate renyu, nemwi hamungavi nyama mukati maro; ndichakutongai munyika yaIsiraeri. |
|
| 12 |
|
| Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, nokuti hamuna kufamba nemitemo yangu kana kuita zvandakarayira, asi makatevera mirayiro yamarudzi anokupoteredzai." |
|
| 13 |
|
| Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, "Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?" |
|
| 14 |
|
| Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 15 |
|
| "Mwanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, vanhu vorudzi rwako, neimba yose yaIsiraeri, ivo vose, ndivo vakanzi navagere Jerusaremu, `Ibvai kure naJehovha, nyika ino yakapiwesu, ive yedu.' |
|
| 16 |
|
| "Naizvozvo uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, zvandakavabvisa, ndikavaisa kure pakati pamarudzi, uye zvandakavaparadzira pakati penyika, ndichava kwavari nzvimbo tsvene nguva duku kunyika idzo kwavakaenda kwadziri;' |
|
| 17 |
|
| naizvozvo uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuunganidzai mubve pakati pamarudzi, ndichakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsiraeri.' |
|
| 18 |
|
| "Vachadzokerako nokubvisamo zvose zvayo zvinosemesa nezvose zvayo zvinonyangadza. |
|
| 19 |
|
| Ndichavapa moyo mumwe, nokuisa mweya mutsva mukati menyu; ndichabvisa moyo webwe munyama yavo, ndokuvapa moyo wenyama; |
|
| 20 |
|
| kuti vafambe nemitemo yangu, vachengete zvandakarayira nokuzviita; ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo. |
|
| 21 |
|
| Asi kana vari ivo, vane moyo inotevera moyo yezvinhu zvavo zvinosemesa nezvinonyangadza, ndichauyisa zvavakaita pamisoro yavo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
| 22 |
|
| Ipapo makerubhi akasimudza mapapiro awo, namakumbo engoro akanga ari pamativi awo; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwavo. |
|
| 23 |
|
| Kubwinya kwaJehovha ndokukwira kuchibva mukati meguta, ndokumira pamusoro pegomo riri kumabvazuva eguta. |
|
| 24 |
|
| Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri. |
|
| 25 |
|
| Ipapo ndakaudza vakatapwa zvinhu zvose zvandakaratidzwa naJehovha. |
|
|
|
|