|
| 1 |
|
| Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, |
|
| 2 |
|
| "Mwanakomana womunhu, ugere pakati pavanhu veimba inondimukira simba, vana meso okuona, asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa, asi havanzwi; nokuti iimba inondimukira simba. |
|
| 3 |
|
| "Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba. |
|
| 4 |
|
| "Unofanira kubudisa nhumbi dzako masikati vachizviona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; zvino madekwana iwe umene unofanira kubuda vachizviona, sezvinoita vanhu kana votama. |
|
| 5 |
|
| Zvino uboore rusvingo vachizviona, ubudise nhumbi dzako napo. |
|
| 6 |
|
| Unofanira kudzitakura pafudzi rako vachizviona, ndokudzibudisa kwasviba; unofanira kufukidza chiso chako, kuti urege kuona zvenyika; nokuti ndakakuita chiratidzo kuimba yalsiraeri." |
|
| 7 |
|
| Ini ndikaita sezvandakarayirwa; ndakabudisa nhumbi dzangu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, madekwana ndikabvovora rusvingo noruoko rwangu; ndakadzibudisa kwasviba, ndikadzitakura pafudzi rangu vachizviona. |
|
| 8 |
|
| Zvino mangwanani shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 9 |
|
| "Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri, iyo imba inondimukira, havana kuti kwauri, `Unoiteiko?' |
|
| 10 |
|
| Uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, chirevo ichi chinoreva muchinda weJerusaremu neimba yose yaIsiraeri iri pakati pavo.' |
|
| 11 |
|
| Uti, `Ndini chiratidzo chenyu; sezvandakaita ini, ndizvo zvavachaitirwa ivo; vachatama vachitapwa.' |
|
| 12 |
|
| Muchinda ari pakati pavo achatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwasviba, ndokubuda; vachabvovora rusvingo kuti vadzibudise napo; achafukidza meso ake, nokuti haangaoni nyika nameso ake. |
|
| 13 |
|
| Ndichakandawo mumbure wangu pamusoro pake, achabatwa mumusungo wangu; ndichamuisa Bhabhironi kunyika yavaKaradhea; asi haangaioni, kunyange zvakadaro achafirako. |
|
| 14 |
|
| Ndichaparadzira kumhepo dzose vose vakamupoteredza vangamubatsira, namapoka ake ose ndichavavhomorera munondo ndichivateverera. |
|
| 15 |
|
| "Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivadzingira pakati pamarudzi, nokuvaparadzira kunyika dzose. |
|
| 16 |
|
| Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha." |
|
| 17 |
|
| Shoko raJehovha rakasvikawo kwandiri, richiti, |
|
| 18 |
|
| "Mwanakomana womunhu, idya zvokudya zvako nokubvunda nokumwa mvura yako nokudedera nokutya; |
|
| 19 |
|
| uti kuvanhu venyika iyi, `Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokumwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.' |
|
| 20 |
|
| Maguta anogarwa navanhu achaparadzwa, nenyika ichaitwa dongo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha." |
|
| 21 |
|
| Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 22 |
|
| "Mwanakomana womunhu, tsumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsiraeri, inoti, `Mazuva anoramba achiwedzerwa, asi zvakaoneswa zvose hazviitiki?' |
|
| 23 |
|
| Naizvozvo vaudze, uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri;' asi uti kwavari, `Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.' |
|
| 24 |
|
| Nokuti pakati peimba yaIsiraeri hapangazovi kuoneswa kwenhema kana kuporofita kunobata kumeso. |
|
| 25 |
|
| "Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
| 26 |
|
| Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, |
|
| 27 |
|
| "Mwanakomana womunhu, tarira, veimba yaIsiraeri vanoti, `Zvaakaoneswa ndezvamazuva ari kure anozouya, anoporofita zvenguva dziri kure.' |
|
| 28 |
|
| Naizvozvo uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
|
|
|