|
| 1 |
|
| Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 2 |
|
| “Mwanakomana womunhu, porofitera vaporofita VaIsiraeri vanoporofita, uti kuna ivo vanoporofita zvinobva mumwoyo mavo, inzwai imi shoko raJehovha.” |
|
| 3 |
|
| Zvanzi naIshe Jehovha, “Vane nhamo vaporofita mapenzi, vanotevera mweya yavo, vasina chavakaona. |
|
| 4 |
|
| Aiwa Isiraeri, vaporofita venyu vakafanana namakava pamatongo. |
|
| 5 |
|
| Hamuna kukwira muchipinda pakakoromorwa, kana kugadzira rusvingo rweimba yaIsiraeri, kuti mumire pakurwa pazuva raJehovha. |
|
| 6 |
|
| Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, Jehovha anoti! Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa. |
|
| 7 |
|
| “Hamuna kuona zvinonyengera here, hamuna kutaura kwenhema here, zvamakati, ‘Jehovha anoti; kunyangwe zvakadaro handina kutaura?’ ” |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Zvamakatura zvinonyengera, nokuona nhema, naizvozvo, tarirai, ndine mhaka nemi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
| 9 |
|
| Ruoko rwangu rucharwa navaporofita vanoona zvinonyengera navanoporofita nhema; havangarangani navanhu vangu, havanganyorwi mazita avo parugwaro rweimba yaIsiraeri, havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha. |
|
| 10 |
|
| Nokuti zvirokwazvo, nokuti vakanyengera vanhu vangu, vachiti, ‘Rugare!’ Izvo hakuna rugare; kana vovaka rusvingo, tarira, vovhuwa nesuko. |
|
| 11 |
|
| Chiudza avo vanoruvhuwa nesuko, kuti ruchakoromoka; mvura ichauya ichinaya kwazvo, ine, mabwe makuru echimvuramabwe, muchawa, nedutu remhepo richarutsemutsa. |
|
| 12 |
|
| “Zvino tarirai, kana rusvingo rwakoromoka havangati kwamuri here, ‘Ko suko ramakuvhuwa naro riripiko?’ ” |
|
| 13 |
|
| Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Ndicharutsemutsa zvirokwazvo nedutu remhepo nehasha dzangu; mvura ichanaya kwazvo nokutsamwa kwangu, namabwe makuru echimvuramabwe nehasha dzangu, kurupedza chose. |
|
| 14 |
|
| Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavhuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. |
|
| 15 |
|
| “Saizvozvo ndichapedza hasha dzangu parusvingo, napamusoro pavakaruvhuwa nesuko; ndichati kwamuri, ‘Rusvingo haruchipo, navakaruvhuwa havachipo; |
|
| 16 |
|
| ivo vaporofita VaIsiraeri vanoporofita pamusoro peJerusaremu, vachirionera zviratidzo zvorugare, izvo hakuna rugare,’ ” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
| 17 |
|
| Asi iwe, Mwanakomana womunhu, ratidza chiso chako kuvakunda vavanhu vako, ivo vanoporofita zvinobva mumwoyo yavo, uporofite pamusoro pavo, |
|
| 18 |
|
| uti, “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Vane nhamo vakadzi vanosonera zvifukidzo papfundo dzamaoko, vanoita micheka yokufukidza misoro yavanhu vapi navapi, kuti vavhime mweya.’ Munoda kuvhima mweya yavanhu vangu, muchida kuzviponesera mweya iyeyo! |
|
| 19 |
|
| Makandimhura pakati pavanhu vangu nokuda kwetsama dzebari nezvimedu zvezvingwa, kuti muuraye mweya isingafaniri kufa, nokuponesa mweya isingafaniri kurarama, muchirevera vanhu vangu nhema, ivo vanoteerera nhema dzenyu.” |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri. |
|
| 21 |
|
| Nemicheka yenyu ndichaibvarurawo, ndirwire vanhu vangu pamaoko enyu, varege kuzova mumaoko enyu kuti muvavhime; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. |
|
| 22 |
|
| “Nokuti nenhema dzenyu makarwadza mwoyo wowakarurama, wandisina kuchemedza, mukasimbisa maoko owakaipa, kuti arege kudzoka panzira yake yakaipa, aponeswe; |
|
| 23 |
|
| naizvozvo hamuchazoonizve zviratidzo zvinonyengera kana kuuka zvinoukwa; ini ndicharwira vanhu vangu pamaoko enyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.” |
|
|
|
|