Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, |
| 2 |
| “Nhai mwanakomana womunhu ko iwo muti womugirepisi unokundawo pai chaizvo mimwe miti yose yesango? |
| 3 |
| Pauri pangatorwe bango here rokutoitisa chimwe chinhu? Vanhu vangatore here pauri kamhanda kokuturikawo kana chinhu zvacho? |
| 4 |
| Ko ukaiswa mumoto sehuni moto ukapisa kumhuno nokugaro kwawo, pakati pawo pakava tsito unenge uchine basa rei? |
| 5 |
| Usati watsva, hapana chawaigona kuita nawo, ko kutozoti wapiswa nomoto waita tsito zvawo chii chaungazomboshandiswa kuita?” |
| 6 |
| Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari: “Sehuni dzomuti womugirepisi pakati pemiti yesango dzandakaisa muchoto ndizvo zvandichaita vagari veJerusaremu. |
| 7 |
| Ndichaonana navo. Kunyange vakapunyuka moto, moto uchatovapisa chete, kana ndakatarisana navo kudaro, ndipo pamuchandiziva kuti ndini Tenzi. |
| 8 |
| Ndichaita kuti nyika iyoyi ive renje zvaro. Nokuti kuita kwavo hakuna kutendeka.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/ezekiel/015.mp3
48
15