|
| 1 |
|
| Zvino iwe, imba mariro pamusoro pamachinda aIsiraeri, |
|
| 2 |
|
| uti, "Mai vako vaiva aniko?" Vaiva shumbakadzi, yaivata pakati peshumba, ichirera vana vayo pakati peshumba duku. |
|
| 3 |
|
| Zvino yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu. |
|
| 4 |
|
| Marudzi avanhu akainzwawo ikabatwa muhuzha yavo, vakaiisa kunyika yeIjipiti. |
|
| 5 |
|
| Zvino yakati ichiona kuti yanyengerwa, kuti tariro yanyangarika, ikatorazve mumwe mwana wayo, ikaiita shumba duku. |
|
| 6 |
|
| Iyo ikafamba-famba pakati peshumba; ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu. |
|
| 7 |
|
| Ikaziva dzimba dzavo dzohushe, ikaparadza maguta avo; nyika nezvose zvayo ikava dongo, nokuda kokuwomba kwayo. |
|
| 8 |
|
| Ipapo marudzi avanhu venyika dzakapoteredza akarwa nayo, vakakandira mumbure wavo pamusoro payo, ikabatwa muhuzha yavo. |
|
| 9 |
|
| Vakaiisa muchirugu chine zvikokovonho, vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi; vakaiisa munhare, kuti inzwi rayo rirege kuzonzwikwa pamakomo alsiraeri. |
|
| 10 |
|
| Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa, panguva yokuzorora kwako, wakanga wakasimwa pamvura;wakabereka zvakanaka, una matavi mazhinji, nokuda kwemvura zhinji. |
|
| 11 |
|
| Ukava namatanda makobvu okuita tsvimbo dzavaibata hushe, musoro wawo ukakwirira kumusoro pakati pamatavi makobvu, ukaonekwa kumusoro-soro pamwechete namashizha awo mazhinji. |
|
| 12 |
|
| Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuva ikaomesa michero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuoma, moto ukaapedza. |
|
| 13 |
|
| Zvino wasimwa murenje, munyika yakaoma ine nyota. |
|
| 14 |
|
| Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro. |
|
|
|
|