Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino iwe, imba mariro pamusoro pamachinda aIsiraeri, |
| 2 |
| uti, “Mai vako vaiva aniko?” Vaiva shumbakadzi, yaivata pakati peshumba, ichirera vana vayo pakati peshumba duku. |
| 3 |
| Zvino yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu. |
| 4 |
| Marudzi avanhu akainzwawo ikabatwa muhuzha yavo, vakaiisa kunyika yeIjipiti. |
| 5 |
| Zvino yakati ichiona kuti yanyengerwa, kuti tariro yanyangarika, ikatorazve mumwe mwana wayo, ikaiita shumba duku. |
| 6 |
| Iyo ikafamba–famba pakati peshumba; ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu. |
| 7 |
| Ikaziva dzimba dzavo dzohushe, ikaparadza maguta avo; nyika nezvose zvayo ikava dongo, nokuda kwokuwomba kwayo. |
| 8 |
| Ipapo marudzi avanhu venyika dzakapoteredza akarwa nayo, vakakandira mumbure wavo pamusoro payo, ikabatwa muhuzha yavo. |
| 9 |
| Vakaiisa muchirugu chine zvikokowono, vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi; vakaiisa munhare, kuti izwi rayo rirege kuzonzwika pamakomo aIsiraeri. |
| 10 |
| Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa, panguva yokuzorora kwako, wakanga wakasimwa pamvura; wakabereka zvakanaka, una matavi mazhinji, nokuda kwemvura zhinji. |
| 11 |
| Ukava namatanda makobvu okuita tsvimbo dzavaibata hushe, musoro wawo ukakwirira kumusoro pakati pamatavi makobvu, ukaonekwa kumusoro–soro pamwechete namashizha awo mazhinji. |
| 12 |
| Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuva ikaomesa michero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuoma, moto ukaapedza. |
| 13 |
| Zvino wasimwa murenje, munyika yakaoma ine nyota. |
| 14 |
| Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/ezekiel/019.mp3
48
19