|
| 1 |
|
| Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, |
|
| 2 |
|
| “Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tonga, chitonga guta reropa, urizivise zvinonyangadza zvaro zvose. |
|
| 3 |
|
| Uti zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti risvibiswe nazvo!’ |
|
| 4 |
|
| Wapara mhaka nokuda kweropa rako rawakateura, wasvibiswa nezvifananidzo zvawakaita; waswededza mazuva ako, wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakakuita chinhu chinoshorwa pamberi pamamwe marudzi, nechinosekwa nenyika dzose. |
|
| 5 |
|
| Vari pedyo newe, navari kure, vachakuseka, iwe une zita rakasvibiswa, uzere nebope. |
|
| 6 |
|
| “Tarira, machinda aIsiraeri akapinda mukati mako, mumwe nomumwe nesimba rake, kuzoteura ropa. |
|
| 7 |
|
| Baba namai vakazvidzwa mukati mako, vatorwa vakamanikidzwa mukati mako, nherera nechirikadzi dzakaitirwa zvakaipa mukati mako. |
|
| 8 |
|
| Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, wakamhura maSabata angu. |
|
| 9 |
|
| Vanhu vana makuhwa vakapinda mukati mako kuzoteura ropa, vakadya pamusoro pamakomo mukati mako, vakaita zvinonyadzisa mukati mako. |
|
| 10 |
|
| Vakafukura kunyadza kwamadzibaba avo mukati mako, vakaninipisa mukati mako mukadzi wakanga asina kunaka nokuva kumwedzi kwake. |
|
| 11 |
|
| Mumwe akaita zvinonyangadza nomukadzi womunun'una wake, mumwe wakachinyira mukadzi womwana wake, mumwezve mukati mako wakaninipisa hanzvadzi yake, mukunda wababa vake. |
|
| 12 |
|
| Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
| 13 |
|
| “Naizvozvo, tarira, ndakarovanya maoko angu pamusoro pepfuma yako yawakawana nokunyengera, napamusoro peropa rako rakanga riri mukati mako. |
|
| 14 |
|
| Ko mwoyo wako ungatsunga, kana maoko ako angasimba here pamazuva andichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita. |
|
| 15 |
|
| “Ndichakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudzingira kunyika dzose; ndichapedza tsvina yako mukati mako. |
|
| 16 |
|
| “Uchazvimhurisa pamberi pamamwe marudzi; zvino uchazoziva kuti ndini Jehovha.” |
|
| 17 |
|
| Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 18 |
|
| “Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yaita samarara kwandiri; vose vakaita sendarira netini nedare nomutobvu mukati mevira; vakaita samarara esirivha. |
|
| 19 |
|
| Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mose zvamava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusaremu. |
|
| 20 |
|
| Sezvavanounganidzira sirivha nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuiseimo, ndikunyausei. |
|
| 21 |
|
| Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai, nokupfutidza moto wehasha dzangu pamusoro penyu; muchanyauswa mukati maro. |
|
| 22 |
|
| Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ” |
|
| 23 |
|
| Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 24 |
|
| “Mwanakomana womunhu uti kwairi, ‘Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunisirwa mvura nezuva reshungu dzangu.’ |
|
| 25 |
|
| Vaporofita vayo vakaita rangano mukati mayo; seshumba inoomba ichibvanzura chayabata, saizvozvo vakapedza mweya yavanhu; vakatora pfuma nezvinokosha, vakawanza chirikadzi mukati mayo. |
|
| 26 |
|
| Vapristi vayo vakaparadza murairo wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo. |
|
| 27 |
|
| Machinda ayo mukati mayo vakafanana namapere anobvanzura zvaabata, vachiteura ropa nokuparadza mweya, kuti vawane pfuma vachinyengera. |
|
| 28 |
|
| “Vaporofita vayo vakavayuwira nesuko, vachiona zvinonyengera nokuvaukira zvenhema vachiti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, izvo Jehovha haana kutaura.’ |
|
| 29 |
|
| “Vanhu venyika vakamanikidza nokupamba; zvirokwazvo vakatambudza varombo navanoshayiwa, vakamanikidza mutorwa asina mhaka hake. |
|
| 30 |
|
| Zvino ndakatsvaka pakati pavo munhu angagadzira rusvingo, angamira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana nomumwe. |
|
| 31 |
|
| Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nomoto wehasha dzangu; ndakauyisa zvavakaita pamisoro yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
|
|
|